Accessibility links

Breaking News

Dzamara neVamwe Vake Vanorohwa Zvakaipisisa


Itai Dzamara
Itai Dzamara

Mutori wenhau Itai Dzamara nevamwe vake vana vaari kushanda navo mukukurudzira kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye chigaro, varohwa zvakaipisisa nevarume vanofungidzirwa kuti inhengo dzevechidiki veZanu PF.

Vaona zvichiitika uye vari munyori mukuru wegungano raDzamara reOccupy Africa Unity Square, VaCharles Nyoni, vanoti Dzamara nevamwe vake vanoti Tafadzwa Charumbira, Jerry Mugweni, Allan pamwe naBothwell, vapambwa pavanga vachimhanya vari mumugwagwa weKwame Nkrumah.

VaNyoni vanoti varume ava vakandzwa mumotokari nhatu dzinosanganisira imwe yerudzi rweToyota Corolla ine ruvara rwuchena, idzo dzinonzi dzabva dzasimuka nekukasika.

VaNyoni vanoti Dzamara nevamwe vake vaendeswa kukahofisi kebato reZanu PF kari kuna 4th Street uko varohwa zvakaipisisa. Mushure mekurohwa varume ava vazonosiiwa vakandwa kumapurisa eLaw and Order paHarare Central Police Station.

Vashanu ava vanonzi vazoendeswa kuchipatara cheAvenues Clinic neshamwari dzavo uko vanonzi vanga vachirapwa vachionekwa navanachiremba.

Dzamara, uyo akatanga kuratidzira kwake munaGumiguru, pamwe negweta rake, VaKennedy Masiye, vakamborohwa zvakaipisisa nemapurisa mwedzi wapera mushure mekuungana munzvimbo yavo yavari kuratidzira vari yeAfrica Unity Square.

Hurukuro naCharles Nyoni
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG