Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa kwaVanachiremba Kunopinda muSvondo Retatu


Vanachiremba vari kuramwa mabasa vachida kuti vawedzerwe mari dzavanotambiriswa
Vanachiremba vari kuramwa mabasa vachida kuti vawedzerwe mari dzavanotambiriswa

Kuramwa mabasa kwavana chiremba kwapinda musvondo retatu pasina zvati zvabuda kubva munhaurirano dzavanonzi vari kuita nehurumende.

Musangano waitwa neMuvhuro pakati pavanachiremba ava nevamiriri vebazi rezvehutano unonzi hauna zvawabuda nazvo sezvo vedivi rehurumende vachinzi vati vanoda nguva yekuti vasangane nemamwe mapazi ane chekuita nenyaya dzemihoro nemashandiro avo.

Zvinonzi vanyori vemapazi anoti rehutano, rezvemari nerevashandi vasanganawo muHarare asi hatina kukwanisa kunzwa zvabuda mumusangano uyu.

Vanachiremba vepakati vakabatanawo navanachiremba vepasi ava svondo rapera izvo zvakasvitsa huwandu hwavana chiremba vari kuramwa mabasa pamazana mana.

Vanachiremba ava vari kuda kuti hurumende iwedzere mari dzavanotambira uye kuti mashandiro avo pamwe nezvikanisiro zvigadziriswe.

Studio7 haina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, kuti tinzwe divi rehurumende pagakava iri.

Mutungamiri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Fortune Nyamande, vanoti pari zvino hurumende haisi kuratidza kuzvipira mune zvese zvavari kukurukura.

Doctor Nyamande vanoti hurumende ikangosaina chete pasi zvose zvavari kuchemera, vanachiremba vanobva vadzokera kumabasa sezvo vari kurwadzikana nekutambura kwave kuita varwere muzvipatara zvose zvehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG