Accessibility links

Breaking News

Zvikoro zvePamusoro Zvokurudzirwa Kupa Mikana Kune Vakaremara


Vakaremara vanonzi vanofanirwa kuwaniswa zvikwanisiro munzvimbo dzavanodzidza kana kushandira.
Vakaremara vanonzi vanofanirwa kuwaniswa zvikwanisiro munzvimbo dzavanodzidza kana kushandira.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, VaGodfrey Gandawa, vakati makoreji munyika anofanira kupinza vadzidzi vakawanda vanorarama nehurema muzvikoro izvi sezvo hurumende iri kukurudzira kuti vanhu vanorarama nehurema vadzidze pamwe nevamwe.

Vachitaura pamabiko ekupemberera vadzidzi vainge vapedza zvidzidzo pachikoro chevadzidzisi cheMasvingo Teachers College nguva pfupi yapfuura, VaGandawa vakati hurumende inoda kuona zvikoro izvi zvichiwedzera vadzidzi vane hurema.

Vakati vanofara kuti zvikoro zvakaita seMasvingo neUnited College of Education kuBulawayo zvave kutoita izvi.

Asi vakati zvikoro izvi zvinofanira kuwedzera huwandu hwevadzidzi ava uyewo zvimwe zvikoro zvevadzidzisi pamwe nemaUniversities zvinofanira kutora vadzidzi vanorarama nehurema vakawanda.

Muzvare Makanaka Gumbo vakati kurudziro yehurumende yakanaka chose sezvo vanhu vanoraramba nehurema vange vasiri kuwana mikana seinowanawo vamwe mumakoreji.

Munyori wenhau anorarama nehurema uye achishanda nevanhu vanorarama nehurema, VaPatrick Musira vakati kurudziro yehurumende yakanaka asi vakati hurumende inofanira kuona kuti makoreji aya ane zvinhu zvinoshandiswa nevanorarama nehurema kuti vakwanise kudzidza zvakanaka.

Mukuru weCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera vakatiwo izvi zvakakosha asi makoreji anofanira kushandisa mari yakawanda kugadzirisa zvivakwa zvavo kuti vadzidzi vanorarama nehurema vadzidze vasina dambudziko.

Vakatiwo kurudziro chete haina kukwana vachiti kuti zvikoro zvepamusoro zvikwanise kutora vadzidzi vanorarama nehurema hurumende inotofanira kuitwa mutemo.

Munyika mune vanhu mamiriyoni maviri vanorarama nehurema uye vazhinji vevanhu ava vanoshaya mikana yekuenda kuzvikoro sezvo zvikoro zvizhinji zvepasi nezvepamusoro zvisina dzimba dzekudzidzira nemimwe midziyo inoita kuti vanhu ava vadzidze zvakanaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG