Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze Vokurudzirwa Kupindawo Mune zveMatongerwo eNyika Kumusha


Zimbabwe ine zvizvarwa munyika dzakawanda pasi rose
Zimbabwe ine zvizvarwa munyika dzakawanda pasi rose

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika kumusha, pamwe nemhirizhonga inowanzoitika munguva dzesarudzo, zvinoita kuti zvitadze kuita mabasa ebudiriro anosimudzira matunhu ekwazvinobva.

Vamwe vanoti chinhu chinosiririsa kuona vana veZimbabwe vachirwisana panguva dzesarudzo, asi dzimwe nyika dzichiita sarudzo murunyararo.

Chimwe chezvizvarwa izvi ndiMuzvare Gladys Hlatshwayo, avo vanoongorora zvematongerwo enyika.

Muzvare Hlatshwayo vanoti zvakakosha zvikuru kuti bato riri kutonga reZanu PF, rionewo zvinoitika mune dzimwe nyika dzakaita seAmerica ne United Kingdom, idzo dzinokwanisa kuita sarudzo vanhu vachiyanana pasina kukakavadzana.

Muzvare Hlatshwayo vanoti kuratidza kuti bato reZanu PF rinoda zvemhirizhonga, zvave kuonekwa nekurwisana kwave kuita nhengo dzebato iri kuHurungwe West.

Kunyange hazvo nhengo yeZanu PF kudunhu reUnited Kingdom, VaNick Mangwana, vachitsinhira mashoko ekushoropodza mhirizhonga, vanoti kuratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakana mumapato ose kwete reZanu PF chete, nhengo dzeMDC T dziri kurwisanawo pachadzo.

Asi VaMangwana vanoti havaoni izvi zvichitadzisa zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuenda kumusha kana kupinda mune zvematongerwo enyika, sezvakaitwa nevari kukwikwidza vakamirira Zanu PF muHarare East musarudzo ye by-election, VaTerence Mukupe, avo vaimbogara muno muAmerica.

VaMangwana vanoti chinofanirwa kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuti vakwanise kunotambirwa kumusha, vanofanirwa kutanga kupinda muzvirongwa zvebudiriro mumatunhu avanogara munyika dzavari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG