Sangano rinobatanidza vana veZimbabwe vari muAmerica, reZimbabwe Diaspora Network North America, ZDNNA, riri kuparura chikamu chenhengo dzaro dzemunharaunda yeWashington D.C, Maryland, Virginia pamwe neWest Virginia, DMVWV, nemusi weMugovera kuSilver Spring, muMaryland.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mudunhu reDMVWV, uye vari nhengo yebhodhi reZDNNA, Mufundisi Doctor Isaac Mwase, vanoti zvakakosha zvikuru kuti sangano ravo ripararire nematunhu ose, sezvo izvi zvichipa mukana kuvana veZimbabwe kuti vabate pamwe chete pangava munguva dzekufara kana dzekutambudzika.
Mufundisi Mwase vanoti kuti munhu ave nhengo kwegore rose anotarisirwa kubhadhara mari inoita zana remadhora, mari inozoshandiswa zvakare nesangano iri mukubatsira muzvirongwa zvakanangana nekunze kwenyika ikoko kana kumusha.
Asi vanoti vachiri kutsvaga nzira dzekuti vaone kuti nhengo dzematunhu dzingabhadhara marii yekuti dzive nhengo.
Vanotiwo sangano ravo rakatonyoreswa sesangano revanobatsira.
ZDNNA yakaumbwa iine chinangwa chekubatsira kuunganidza hunyanzvi pamwe nemari izvo zvinotarisirwa kuwanikwa kubva kune vari kunze ava, zvichinobatsira kuZimbabwe uko kwazvinodiwa zvikuru.