Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri Mhiri kweMakungwa Chosimudzira Kwachinobva


VaMarimbe vari kubatsirawo nekutumira zvinoshandiswa nevakaremara
VaMarimbe vari kubatsirawo nekutumira zvinoshandiswa nevakaremara

Shuviro inenge iine zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinoenda kunze kwenyika ndeyekuti zvisimudzire nzvimbo nematunhu kwazvinobva.

Kune ruzhinji rwevanhu ava zvinongozopera zviri zviroto, sezvo vachisvikomedzwa nenyika idzi, vokanganwa kwavakabva.

Asi kuna VaLeornard Marimbe, chizvarwa cheZimbabwe chakaberekerwa kuMasvingo chiri kuChicago, muAmerica, shuviro yavo yekubatsira vamwe kumusha iri kuzadziswa.

VaMarimbe vanoti vari kuedza napose pavanokwanisa kutumira zvinhu zvakaita semadondoro ekuti vakaremara vafambise, mawiricheya, mabhuku ezvidzidzo zvepasi nezvepamusoro pamwe nezvipfeko.

Vanotiwo vari kushanda nemeya weguta reMasvingo kuti vaumbe chikwata chenhabvu yevechidiki.

VaMarimbe vanoti havasi kungobatsira dunhu ravakaberekerwa chete, asi kuti matunhu akawanda emunyika.

Vanoti pari zvino vaunganidza zvipfeko zvavari kuronga kutumira kumhuri dziri kushupika dziri kuChingwizi mudunhu rekuMasvingo, idzo dzakabviswa pamisha yadzo nemafashamu akaitika kudhamu reTokwe-Mukosi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG