Accessibility links

Breaking News

Amai Wilma Mutemasango-Sweeney Vanobatsira neDura reMabhuku kuMhondoro


Vana vechikoro vepaChikoore Primary kuMhondoro
Vana vechikoro vepaChikoore Primary kuMhondoro

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kunze kwenyika, icho chakabatsira nekuvaka dura remabhuku pamwe nekuripfekedza, chinoti chinonzwa mufaro mukuru nekutambirwa kwakaitwa dura remabhuku rachakavakira nharaunda yachakakurira yeMhondoro kuMashonaland West.

Amai Wilma Dambudzo Mutemasango-Sweeney, avo vari kugara kuScotland, vakatanga kuvaka gore rino muna Kubvumbi dura remabhuku kana kuti library pachikoro cheChikoore kuMhondoro, pasi pehurongwa hwavo hwekucherechedza Amai vavo, Gogo Grace Mutemasango, avo vakashaya makore matatu apfuura kuMhondoro kwakare.

Sechishuvo chavo, muna Chivabvu dura iri rakanga rapera uye vakarisvitsa kuvagari vemudunhu mavo mushure mekunge varizadza nemabhuku avakawana kuburikidza nerubatsiro rwakaunganidzwa nehama neshamwari dzavo dzavagere nadzo kuSt. Andrews kwakare kuScotland.

Amai Mutemasango-Sweeney vanoti zvakakosha zvikuru kuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vayeuke kwavakabva kuburikidza nekuita zvirongwa zvakasiyanasiyana zvinobatsira pamwe nekusimudzira nzvimbo dzavakakurira kana kuberekerwa.

Vanoti dambudziko rekupinza mabhuku munyika rakarerutswa nekupindira kwakaita bazi rezvedzidzo, iro vanoti richanyora tsamba kubazi rezvekupinda nekubuda kwezvinhu munyika kuitira kuti vapiwe gwaro rinozoita kuti vasabhadhare mutero panopinda mamwe mabhuku achiri kunze kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG