Accessibility links

Breaking News

Britain Yoomesera Vekunze Vasina Mvumo Kugara Munyika Iyi


VaEphraim Tapa nenhengo dzeRestoration of Human Rights
VaEphraim Tapa nenhengo dzeRestoration of Human Rights

Mutemo wekupinda nekubuda muUnited Kingdom uyo wakavandudzwa kutanga mwedzi wapera unonzi uchakanganisa zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvakawanda kusanganisirawo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara munyika iyi zviri kunze kwemutemo.

Mutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reRestoration of Human Rights, VaEphraim Tapa, vanoti mutemo uyu une zvakawanda zvauchaomesera nazvo vanhu zvakafanana nekukukurudzira kuti vane dzimba vatange vabvunza munhu anenge achitsvaga pekugara kana aine mapepa azere.

VaTapa vanoti zvinonetsa kuti vazive kuti vanhu vangani vachabatwa nemutemo uyu sezvo zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zvisingade kutaura nezvehupenyu hwazvo kune vamwe vanhu.

Vanoti izvi zvinobva mukutengesana kunoitika mukati mevanhu kune vemahofisi ehurumende kana vakanga vanetsanawo pachavo.

“Isu tinokurudzira kuti vanhu vabude, vazivane uye kushanda pamwe sezvinoitwa nezvizvarwa zvekune dzimwe nyika dzakaita seNigeria kana India,” VaTapa vanodaro.

VaTapa vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvisina magwaro ekugara munyika iyi zvinogona kusanganiswa nemutemo uyu ndezviya zvine nyaya dziri kuHome Office, kana zvakamirira hupoteri hwazvinenge zvakanyorera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG