Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvosimudzira Kwazvakabva


Vaviri ava vanoti vari kubatsira vechidiki nezvirongwz zvinosanganisira kupfuya huku nekuvaka dzimba
Vaviri ava vanoti vari kubatsira vechidiki nezvirongwz zvinosanganisira kupfuya huku nekuvaka dzimba

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti kana zvagarika zvokanganwa kwazvakabva, zvotadza kudzorerawo kuvanhu vakazvisimudza, kuburikidza nekuita zvirongwa zvinobatsira matunhu.

Zvimwe ndozvinonzi zvinopa zvikonzero zvekuti zvakasvibiswa mwoyo nekudyirwa kwazvo mari dzezvoringwa zvebudiriro dzazvinenge zvatumira kumusha nehama neshamwari.

Asi izvi handizvo zviri kuitika kuzvizvarwa zviviri zveZimbabwe zviri muBritain zvinoti VaPeckson Kazingizi naVaCaston Mateu.

Varume vaviri ava vanoti vari kumhanyisa zvirongwa zvakasiyana siyana zvinobatsira kumatunhu kwavakabva, kunyange hazvo pano nepapo vachimbosangana nematambudziko akasiyanasiyana.

VaKazingizi vanoti vari kubatsira nharaunda yavo yeMashambanhaka neKatiyo mudunhu reUzumba, kuburikidza nekuisa magetsi mumakirinika, kubatsira vechidiki kuita zvirongwa zvekupfuya huku, pamwe nekubatsira vanhu vane dzimba dzakaputswa munguva yemhirizhonga ya2008 kuburikidza nekuvavakira dzimwe dzimba dzine mipanda miviri.

VaKazingizi vanoti danho ravo iri harina kunanga nekuti vazopinda mune zvematongerwo enyika, asi chete kuti kubatsira vanhu vemunharaunda yavo.

VaKazingizi ndivo vakamirira bato reMDC T musarudzo dzekutsvaga mumiriri weUzumba muparamende.

Nekune rumwe rutivi, VaMateo vanotiwo vane boka revechidiki ravakaumba rinonzi Visionary Youth Project, iro riri kubatsira vechidiki vakawanda munyika kuita zvirongwa zvakasiyana siyana.

VaMateo, avo vanotiwo Havasi kubatsira kuti vazopinda mune zvematongerwo enyika mune remangwana, vanotiwo vari kubatsira nekubhadharira vana vanoshupika mari dzechikoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG