Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rinocheredza Zuva reVane Hurema


Vane hurema vanoti vanodawo nzvimbo dzekushandira dzinokodzerana navo
Vane hurema vanoti vanodawo nzvimbo dzekushandira dzinokodzerana navo

Mhuri yeZimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva revane hurema, reInternational Day of Persons with Disabilities.

Asi kucherechedzwa uku kwaitwa pasina hurumende.

Sangano reUnited Nations racherechedzawo zuva iri pasi pedingindira rebudiriro pamwe nevimbiso yehumhizha pakananganwa kuderedzwa kwenjodzi, kuvepo kwenzvimbo dzakafanira dzekushandira uye kupinzwawo kwevane hurema muzvirongwa zvebudiriro.

Nekuda kwekuona kushaiwa hany’a kwehurumende mukusimudzira vane hurema, zvimwe zvizvarwa zviviri zvine hurema, VaMasimba Kuchera, pamwe naVaAbraham Mateta, vanyorerawo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, tsamba yekuvayeuchidza kuti hurumende yavo inenge yakanganwa vane hurema.

Vachitaura vakazvimirira, VaKuchera, avo vanoshanda nesangano reCenter for Disabilities and Development, vanoti izvi zviri kuonekwa nekunonoka kuri kuitwa kugadzirisa mitemo ine chekuita nevane hurema mubumbiro idzva remitemo nezvimwe zvakawanda zviri kuvatadzisa kusimukira mukurarama kwavo.

Vakuchera vanoti hurumende yakapedzisira kucherechedza navo zuva iri mugore ra2012.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG