Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari Vopika Kuti Dzimba Dzavo Hadziputswe muGlen Norah


Kuputswa kwedzimba kunodzora ndangariro dzeOperation Murambatsvina
Kuputswa kwedzimba kunodzora ndangariro dzeOperation Murambatsvina

Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka mumusha weGlen Norah muHarare, umo munonzi vagari vabatira zvombo vashandi vekanzuru vanonzi vari kuda kuputsa dzimba dzinonzi dzakavakwa zvisiri pamutemo.

Vashandi vekanzuru vanonzi vatenderera munzvimbo iyi mangwanani eChitatu vachishevedzera nemasipika kuti vanhu vachibuda mudzimba dzavo kuitira kuti dziputswe sezvo nguva yavakapiwa yanga yapfuura.

Izvi zvinonzi hazvina kufadza vagari.

Izvi zvinoitika zvichitevera kupera kwemaawa makumi mana nemasere akapiwa vagari nekanzuru kuti vange vabva panzvimbo iyi kanzuru isati yatanga kuputsa zvivakwa izvi.

Vamwe vaona zvichiitika avo vati vanonzi VaBramson Bhejani vanoti vagari vapakata matemo, mapfumo nezvimwe zvombo mushure mekunge vashandi vekanzuru vasvika munzvimbo iyi vachishevedzera kuti vari kupa vagari ava maawa maviri vasati vatanga kuputsa dzimba.

Kanzuru yeHarare neMuvhuro yakapa vagari vanodarika mazana matatu magwaro aivazivisa kuti dzimba dzavo dzichaputswa sezvo dzakavakwa zviri kunze kwemutemo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kukanzuru yeHarare kana ichaenderera mberi nedanho iri.

NeChishanu chapfuura makanzuru eEpworth neChitungwiza akaputsawo dzimba dzainzi dzakavakwa zviri kunze kwemitemo.

NeMuvhuro kanzuru yeChitungwiza yakaputsawo dzimwe dzimba munzvimbo yeNyatsime.

Zvichakadaro, chipangamazano mumushandirapamwe weYemurai Disabled Housing Cooperative uri kuChitungwiza, VaBonface Manyonganise, vanoti vanotambira nemufaro kurudziro yegurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, yekuti mishandirapamwe yedzimba ishande pamwe nemabhanga.

NeChipiri VaChombo vakaudza bepanhau reHerald kuti bazi ravo rine hurongwa hwekuumba komiti ichange ichiongororora mashandiro emishandirapamwe senzira yekudzivirira vanhu kuti vasadyirwa mari dzavo.

VaChombo vanonzi vakakurudzira kuti masangano aya ashande pamwe nemabhanga, ayo anofanirwa kuzoona nezvekupiwa kwemasitendi kuvanhu uye kutambira mari dzichabviswa nenhengo dzemishandirapamwe.

Hurukuro naVaBramson Bhejani
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaBonface Manyonganise
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG