Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votadza Kutenga Zvinhu Zvine Mitengo Yakadzikira Muzvitoro


Zvinhu zvinonzi zvizere muzvitoro asi vanotenga pasina
Zvinhu zvinonzi zvizere muzvitoro asi vanotenga pasina

Kushomeka kwemari iri kutenderera munyika kunonzi kwakakonzera kuti mitengo yezvinhu zviri muzvitoro idzikire nezvikamu zvinodarika zvishoma zviviri kubva muzana, 2.47 percent mumwedzi waZvita wegore rapera.

Boka reZimstats rakazivisa mukupera kwesvondo kuti pane shanduko duku-duku kwazvo kubva mumwedzi waMbudzi, apo mitengo yezvinhu yakaderera nezvikamu 2.46 percent.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti dambudziko rekuderera kana kusakwira kwemitengo yezvinhu iri rinogonawo kukonzerwawo nezvinhu zvakawanda zvinosanganisira kuwandisa kwezvinhu zvinobva kunze zvichipinzwa nemitengo yepasi.

“Mitengo yezvinhu ndiyo inoshanda seminongedzo yemafambiro ezvinhu munyaya dzezvehupfumi munyika, saka kana mitengo yezvinhu ichiderera zvinoratdza futi kuti upfumi hwenyika huri kudererawo,” VaChitambara vanodaro.

Vanoti izvi zvinoonekwa nekuramba makambani achivharwa, vanhu vachirasikirwa nemabasa, zvoreva kuti vanhu vanenge vasisina mari yekushandisa mukutenga zvinhu.

VaChitambara vanotiwo kusakwira kwemitengo yezvinhu hakubatsirewo vemakambani vanogadzira zvinhu munyika sezvo ivo vachigadzira zvinhu nemutengo uri pamusoro kupfuura zvigadzirwa zvinobva kunze, zvikuru kunyika dzakaita seSouth Africa neChina.

Kuve nesimba kwemari yekuAmerica inove iri kunyanya kushandiswa munyika zvichienzaniswa neRand rekuSouth Africa, kunonziwo kuri kutowedzera kuoma kwezvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG