Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuChisumbanje Vosungwa paHondo yeMuganhu neGreen Fuel


Green Fuel (Pvt) Limited
Green Fuel (Pvt) Limited

Vagari vekuChinyamukwakwa kuChisumbanje mudunhu reManicaland vatanhatu vanonzi vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa nezmusi weChipiri mushure mekusungwa pahondo yemiganhu inonzi iripo pakati pevagari ava nekambani yemafuta edzimotokari yeGreen Fuel.

Gweta riri kumirira vatanhatu ava VaLangton Mhungu vekambani yemagweta yeMhungu and Associates iri kuChipinge vanoti vatanhatu ava vakarohwa zvakaipisisa vave mumaoko emapurisa zvekuti vamwe vavo havasi kana kutokwanisa kufamba kana kugara.

Mapurisa anonzi akashevedzwa kuminda iri kurwirwa nevagari nekambani yemafuta iyi ndokusvikosunga VaSamson Mugovera, VaKazi Mugovera, Amai Chipo Chiripinda, Amai Vaina Ndlovu, VaEdmore Ndlovu pamwe naVaHasani Simango.

Vatanhatu ava, avo vari kupomerwa mhosva yekuparadza midziyo vachiri mumaoko emapurisa, ayo anonzi anga achiedza kuti vaendeswa kuchipatara cheSaint Peters.

VaMhungu, avo vashora zvikuru kurohwa kwevagari ava vanoti vanotarisira kuti vachamiswa pamberi pedare nemusi weChina.

Vanotiwo vachatora matanho ekuti vaone kuti mapurisa akarova vanhu vavari kumirira ava atorerwawo matanho, sezvo vagary ava vakakwanisa kuziva mapurisa aya.

Studio 7 yakundikana kubata mukuru wemapurisa pakamba yeChisumbanje avo vanzi vanonzi VaNyamuzingwa sezvo nharembozha yavo yanga isingadairwi.

Mutungamiri wesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku vaudzawo Studio 7 kuti vanoshuvira kuti nyaya yemiganhu iyi yagadziriswa zvakanaka uye pave nekujejeserana sezvo isisiri nyaya itsva pakati pehurumende, kambani yeGreen Fuel pamwe nevagari.

Hurukuro naVaLangton Mhungu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG