Accessibility links

Breaking News

Musangano weKuzeya Kushanduka kweMamiriro eKunze Woitwa muHarare


Kushanduka kwekunze kunokonzera El Nino
Kushanduka kwekunze kunokonzera El Nino

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvapinda mumusangano wezvekushanduka kwekunze muHarare.

Musangano uyu waitwa panguva iyo sangano reUNICEF riri kuti vana vanodarika mamiriyoni gumi kumabvazuva pamwe nekuchamhembe kweAfrica, kusanganisirawo Zimbabwe, vakatarisana nenzara inotyisa nekuda kwekushanduka kwekunze kune simba zvikuru kana kuti El Nino kusati kwamboitika kwemakore akawanda.

Vatori venhau, vemasangano akazvimirira, vezvematongerwo enyika, vamiriri vehurumende pamwe nevane chekuita nenyaya iyi, varovana masoro vachipana mazano panzira dzekubata nadzo El Nino iripo iyi, iyo inonzi ichayambukira kuenda kugore rinouya.

Mugwaro raraburitsa, sangano reUNICEF rati El Nino ichakonzera mhare nemafashamu, izvo zvichakonzeresa nzara nenhamo zvisina mukare akaona muvana vadiki izvo zvinozoita kuti vabatwe nezvirwere zvakaita semalaria, manyoka, cholera ne dengue fever, chirwere chikonzerwa nehumhutu.

Nyanzvi dzemamiriro ekunze nedzekurima dziri kupangawo varimi pamwe nehurumende kuti vagadzirire dambudziko rekushanduka kwemamiriro ekunze rakatarisana nepasi rose iri kusanganisirawo Zimbabwe.

Mukuru wesangano rinotarisa nezvemamiriro ekunze reEnvironment Africa, VaBarnabas Mawire, vanoti hurumuende inofanirwa kutsvagawo mari yekuti vanhu vazobatsirikana kana nyika ikazoguma yavirwa nedambudziko rekushanduka kwekunze iri.

VaMawire vanokurudzirawo varimi vane mombe dzakawanda kuti vatapudze zvipfuyo zvavo sezvo vachizorasikirwa zvafa nekuda kwekushaikwa kwemvura yekunwa, iyo yatove kunetsa mune dzimwe nzvimbo, uye kuti varimi vabatane zvakanyanya nenyanzvi dzekurima pamwe nekuteverawo mashoko ari pamusoro pemamiriro ekunze.

“Kushanduka kwemamiriro ekunze kwatotanga kare kuoneka kuburikidza nekupisa kuri kuita kunze munyika pari zvino,” VaMawire vanodaro.

Mutungamiri werimwe sangano revarimi reZimbabwe Commercial Farmers Union, VaWonder Chabikwa, vanotiwo varimi vanofanirwa kudyara mbeu dzepasichigare dzakafanana nezviyo, mhunga nemapfunde, sezvo dzisingade mvura yakawanda.

Kushanduka kwemamiriro ekunze kusinganzwisisiki uku kunonzi kunoitika munharauda ye Equatorial Pacific nenzvimbo dziri mberi panopera makore akati kuti oga-oga.

Izvi zvinonzi zvinobatanawo nekupisa kusina kujairwa pamwe nemvura inonaya zvisina tsarukano kumaodzanyemba kwenyika dzePeru neEcuador, zvikuru mukupera kwaZvita izvo zvinonzi zvinokonzera El Nino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG