Accessibility links

Breaking News

Bhonasi yaVanamukoti Yazobhadharwa


Vanamukoti navanachiremba vakanga vavimbisawo kuti vaizoramwa mabasa kana vasina kupiwa mari dzavo dzemabhonasi
Vanamukoti navanachiremba vakanga vavimbisawo kuti vaizoramwa mabasa kana vasina kupiwa mari dzavo dzemabhonasi

Vanamukoti navanachiremba vanga vasati vawana mari dzavo dzemabhonasi vanonzi vatanga kuwana mari idzi mumabhanga avo.

Mutungamiri wesangano ravanachiremba, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Fortune Nyamande, vanoti nhengo dzavo dzatanga kuwana mari dzemabhonasi idzi.

Sangana ravana mukoti reZimbabwe Nurses Association mudunhu reHarare rakanga razivisa kuti nhengo dzaro dzaizoramwa mabasa kana hurumende ikakundikana kubhadhara mari dzavo dzemabhonasi.

Gurukota rezvevashandi, Amai Priscah Mupfumira, vanonzi vavimbisa kuti vashandi vehurumende vasara vose vasati vawana mari dzavo dzebhonasi vachadzitambira musi wa 23 Ndira rinova svondo rinouya nemusi weChishanu.

Zvichakadaro, hutungamiri hwesangano remubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumemnde reApex Council, hwasangana negurukota idzva rezvevashandi nemabasa, Amai Mupfumira, muchiitiko chinonzi changa chakanangana nekuti vazivane.

Vakafanobata chigaro chasachigaro weApex Council uye vari mutungamiri wePublic Service Association, Amai Cecilia Alexander, vanoti musangano uyu wavapawo mukana wekusvitsa zvinetswa zvavo kuna Amai Mupfumira uye vanoti vafadzwa zvikuru nekutambirwa kwavaitwa pamwe nekutambirwa kwaitwa zvichemo zvavo izvo vanoti zvanzi zvichatariswa.

Amai Alexander vanotiwo musangano uyu wajekesawo pamusoro pekusavepo kwemisangano yeNational Joint Negotiating Council, iyo inoitwa pakati pehurumende nevashandi vayo.

Hatina kukwanisa kubata Amai Mupfumira kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG