Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera Zvinhu kuChitungwiza Vanorwisana neMapurisa eKanzuru


Vanongesera paMakoni Shopping Centre kuChitungwiza vanonzi vari kuramba kuenda kunzvimbo dzakatarwa nekanzuru vachiti hakusviki vanhu.
Vanongesera paMakoni Shopping Centre kuChitungwiza vanonzi vari kuramba kuenda kunzvimbo dzakatarwa nekanzuru vachiti hakusviki vanhu.

Vanotengesera zvinhu zviri kunze kwemutemo paMakoni Shopping Centre, kuChitungwiza vanonzi vakarwisana nemapurisa ekanzuru mangwanani emusi weChipiri.

Izvi zvinonzi zvakaitika mushure mekunge mapurisa anosvika gumi nemashanu ayedza kuvabvisa nechisimba panzvimbo dzavari kushandira vari.

Mukuru wesangano revagari reChitungwiza Residents Trust, VaMarvellous Khumalo vanoti mapurisa aya, ayo anonzi anga akapakata mboma, ainge aine chinangwa chekubvisa vanotengesa zvinhu ava panzvimbo iyi vachivaendesa kune imwe nzvimbo yakatarwa nekanzuru.

Asi izvi zvinonzi zvakaita kuti vanhu ava vararambe kubva vachiendeswa kunzvimbo iyi vachiti hakusviki makasitoma.

VaKhumalo vanotiwo vane humbowo hwekuti kanzuru yeChitungwiza yakatsvaga imwe kambani inonzi Clyna Private Limited kuti ironge patsva, yogadzirisa pamwe nekufambisa hurongwa hwekubvisa vanotengesa ava ichivaendesa kunzvimbo dzakatarwa nekanzuru. Hatina kukwanisa kunzwa kubva kukambani yeClyna Private Limited.

VaKhumalo vanotiwo kambani iyi ndiyo inenge yotora mari kubva kune vanotengesa zvinhu ava ichizoendesa kukanzuru, danho ravanoti sevagari havawirirane naro.

Kanzuru inonzi iri kupomera vanotengesera paMakoni ava mhosva yekuvaka misika panzvimbo iyi zvisiri pamutemo.

Studio 7 yabata mutauriri wekanzuru yeChitungwiza VaZephaniah Mandirahwe kuti tinzwewo divi rekanzuru, asi vati ivo havakwanise kutaura nezvazvo, vakati titaure nemunyori mukuru wekanzuru, VaGeorge Makunde, asi nhare yavo yanga isiri kudairwa.

Taedzawo kubata meya weguta iri VaPhilip Mutoti asi nharembozha yavo yanga isingadairwe zvekare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende kuburikidza nebazi rinoona nezvematunhu inoti makanzuru ose munyika anofanira kubvisa vanhu vari kutengesera mumigwagwa panzvimbo dinonzi hadzina kufanira.

XS
SM
MD
LG