Accessibility links

Breaking News

Masangano Anorwira Kodzero dzeVanasikana Anosvitsa Gwaro reNyunyuto kuBazi reZvemitemo


Musangano waikokerwa nesangano reRoots
Musangano waikokerwa nesangano reRoots

Nhengo dzemasangano anorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana dzakafora muHarare neChipiri dzichiratidza kusafara kwadzo nekunonoka kuri kuita hurumende mukugadzirisa mitemo ine chekuita nekuchengetedzwa kwekodzero dzevanasikana.

Kuratidzira uku kwanga kwakananganawo nemashoko anonzi akataurwa nemuchuchisi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, pamusoro pemitemo nezvainoreva pamwanasikana.

Masangano apinda mumigwagwa muHarare anosanganisira Roots, Katswe Sisterhood, Zimbabwe Women Lawyers Association, Taga Life neGirls Legacy.

Mukuru wesangano reRoots, Muzvare Beatrice Savadye anoti kunyange hazvo mapurisa anga avarambidza kuratidzira uku, akwanisa kusvitsa gwaro renyunyuto kumahofisi egurukota rezvemitemo, uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehofisi yaVaMnangagwa, kanawo kunzwa kumutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba.

Asi Muzvare Savadye vanoti vari kutarisira kuti hurumende ichatambira kurudziro yavo uye kutora matanho pamusoro pegwaro ravo iri.

“Tavimbiswa nevebazi rezvemutemo kuti vachapindura kuzvinhu zvatataura kuti tinoda mupetition umu, zvinosanganisira kuti VaTomana vabve pachigaro chavo, uye kuti mitemo ine chekuita nekuroorwa kana kuroodzana ange achivandudzwa kuti afambirane nebumbiro remitemo,” vakadaro Muzvare Savadye.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mapurisa emuBindira mudunhu reMashonaland Central, anonzi arambidza sangano reInstitute for Young Women Development kuforawo muguta iri.

Sangano iri ranga richida kusvitsawo magwaro enyunyuto kumahofisi emapazi evechidiki nerinoona nezvemadzimai.

Mapurisa anonzi ati ane runyerekupe rwekuti kufora kwavo kwaizopindirwa nevezvematongerwo enyika.

Pane vamwe vasikana vakaroorwa vaine makore gumi nemashanu, Muzvare Ruvimbo Tsopodzi, nemumwe wake, Muzvare Loveness Mudzuru, vakakwidza nyaya yavo kudare repamusorosoro vachida kuti kuroorwa kwevana vadiki kusabvumidzwe zvachose. Muzvare Tsopodzi anoti mutemo unofanira kuvandudzwa.

Hurukuro Muzvare Ruvimbo Tsopodzi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG