Accessibility links

Breaking News

Varimi Votambira Kurudziro Yekuti Varimi Vatengese Dzimwe Mombe


Varimi vari kunzi vatengese mombe dzavo dzichiri kuvawanisa mari
Varimi vari kunzi vatengese mombe dzavo dzichiri kuvawanisa mari

Rimwe sangano revarimiri, reZimbabwe Commercial Farmers’ Union, ZCFU, rinoti varimi vanofanirwa kutambira kurudziro yehurumende yekuti vatapudze zvipfuwo zvavo munguva ino yekushaikwa kwemafuro, kuitira kuti vasazorasikirwa nepfuma yavo.

Rimwe sangano revarimi, reZimbabwe Commercial Farmers’ Union, ZCFU, rinoti varimi vanofanirwa kutambira kurudziro yehurumende yekuti vatapudze zvipfuwo zvavo munguva ino yekushaikwa kwemafuro, kuitira kuti vasazorasikirwa nepfuma yavo.

Mukuru wesangano iri, VaJeremiah Tevera, vanoti sangano ravo ragara richikurudzira varimi vari mumatunhu ane nzara kuti vatengese zvimwe zvipfuwo zvavo kuitira kuti vawane mari yekutenga chikafu chekupa kune zvimwe zvipfuwo zvavanenge vasara nazvo.

“Ishoko rakanaka ravari kutaura asi isu sesangano tinoona sekunge ranga ranonoka kuuya nekuti zvipfuwo zviri kufa,” VaTevera vanodaro.

Mutevedzeri wegurukurota rezvekurima vakanangana nezvipfuwo, VaPaddy Zhanda, vanonzi nedandemutande renhau reThe Source vari kukurudzirawo varimi kuti vaite nhimuramiswe, vasachiva kuverenga mombe dzakawanda asi idzo dzichizofa dzoga nenzara.

Vazhanda vanonzi vari kutarisirwa kushanya kumatunhu eMatabeland South neMatabeleland North neChitatu kuti vasangane nevarimi kuti vakurukure nezvemamiriro akaita zvinhu pamwe nezvekurudziro yavo iyi.

Takundikana kubata VaZhanda kuti tinzwe nezvehurongwa hwavo uhwu.

Mombe dzinodarika zviuru zvinomwe dzinonzi dzafa mukati memwedzi mina yapfuura nekuda kwekushaiwa mafuro.

Hurumende mwedzi wapera yakaparura chirongwa chekubatsira varimi nechikafu chezvipfuyo zvavo mudunhu reChiredzi, asi vamwe varimi vanonzi vari kukundikana kuwana madhora masere ekuti vatenge tsaga rimwe chete rechikafu ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG