Accessibility links

Breaking News

African Union Yotsvaga Nzira Dzinopedza Matambudziko eAfrica


Muzinda weAfrican Union muAddis Ababa, Ethiopia
Muzinda weAfrican Union muAddis Ababa, Ethiopia

Musangano weAfrican Union wechimakumi maviri neina uri pakati muguta guru reEthiopia, Addis Ababa, uko mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kupiwa chigaro chasachigaro wesangano iri.

VaMugabe ndivo zvakare sachigaro weSADC.

Vatungamiri venyika dzemuAfrica vari kutarisirwa kusangana neChishanu pamwe neMugovera kuti vazeye nyaya dzinonzi dziri pahurongwa hwehurukuro.

Nyaya idzi dzinonzi dzinosanganisira chikwata cheBoko Haram, icho chaonesa hurumende yeNigeria ndondo, chirwere cheEbola pamwe nenyaya dzeupfumi muAfrica yose.

Svondo rino African Union yakanyorerana chibvumirano neChina icho chinonzi chichaita kuti China igadzire njanji nemigwagwa ichapinda nemunyika dzose dzemuAfrica.

Gore rino dingindira remusangano uyu rakanangana nekupiwa kwemasimba kuvanhukadzi pamwe nebudiriro muAfrica munzira yekusvika mugore ra 2063, kana kuti “Year of Women’s Empowerment and Development Towards Africa’s Agenda 2063”.

Asi nyaya hombe iri kutariswa nevamwe ndeyekuti African Union inobudirira here kupedza matambudziko akatarisana nenhengo dzayo.

Imwe nyaya ndeyekuti VaMugabe vakapiwa husachigaro neMugovera hwesangano iri vanokwanisa here kufambisa zvigaro zvitatu zvinosanganisira kuvemutungamiri wenyika pamwe nekuve sachigaro weSADC panguva imwechete.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mangongera, vanoti havaoni African Union iine zvikuru zvaingaita zvayakatadza kuzadzisa mumakore ose mazhinji apfuura aya.

Vanoti zvikonzero zvikuru ndezvekuti haina mari yekuita izvi, uye kana iri nyaya yehondo yekuNigeria, African Union haina mauto ainogona kutumira kunorwisana neBoko Haram.

Panyaya yekuti VaMugabe vanokwanisa here kubata zvigaro zvitatu panguva imwechete kana vakadomwa kutungamira sangano iri, VaMangongera vanoti zvichavaremera sezvo vachaonekwa vachipedzera nguva mukugadzirisa zviri kunetsa mubato ravo reZanu PF iro riri kutsva pari zvino.

Asi pfungwa iyi yashoropodzwa nevanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaNick Mangwana, avo vati kutungamira kwaVaMugabe zvigaro zvitatu hakuna zvakunovatadzisa.

VaMangwana vanoti VaMugabe vanogona kutuma nhume dzevanyarikani vakawanda kwazvo vari muAfrica vanosanganisa vamwe vevaivewo vatungamiri venyika nedzihurumende.

Panyaya yekuendeswa kwemasimba kuvanhukadzi muAfrica, VaMangongera vanoti havaoni izvi zvichibudirira sezvo nyika zhinji, kusanganisira Zimbabwe, dziri kutadza kuzadzisa kurudziro iyi.

Asi VaMangwana vanoti hapana zvikuru zvinonetsa sezvo Zimbabwe yakatotanga kare kuzadzisa hurongwa uhwu.

Hurukuro naVaCharles Mangongera Pamwe naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG