Sangano reNational Aids Council rinoti hurongwa hwaro hwekuti matunhu madiki kana kuti madhisitirikiti azvirongere oga mashandisirwo emari inobva muhomwe ye AIDS Fund hwave padanho repamusoro soro.
Mukuru anoona nezvemari musangano iri, VaAlbert Manenji, vanoti vakaona zvakakosha kuti vatore danho iri sezvo mamwe matunhu anga achichema chema kuti ari kunonoka kana kutotadza kuwana mari idzi nekuda kwezvimhingamipinyi zvinokonzerwa nekugoverwa kwemari kana ichibva kumuzinda.
Vanoti pari zvino sangano iri riri kungoita zvirongwa zvakafanana kumatunhu ose, pasina kutariswa kuti zvichemo zvinogona kusiyana dunhu nedunhu.
Gore rino sangano iri rakaisa parutivi mari inosvika mamiriyoni mashanu ekushandisa mukurwisa pamwe nekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Matunhu makuru gumi emunyika achawana mazana mashanu ezviuru zvemadhora iyo anozopa kumatunhu maduku zvichienderana nezvirongwa zvaanenge achiita.
Svondo rino misangano yekukwenenzvera hurongwa uhwu iri pakati kuMasvingo uko humiriri hwematunhu madiki ose ari makumi masere nemashanu munoshandira sangano reNational Aids Council huri kudzidziswa.