Accessibility links

Breaking News

National Aids Council Yoronga Hurongwa Hunobatsira Matunhu Madiki


National Aids Council inoti hurongwa hwayo huchabatsira munhu wese
National Aids Council inoti hurongwa hwayo huchabatsira munhu wese

Sangano reNational Aids Council rinoti hurongwa hwaro hwekuti matunhu madiki kana kuti madhisitirikiti azvirongere oga mashandisirwo emari inobva muhomwe ye AIDS Fund hwave padanho repamusoro soro.

Mukuru anoona nezvemari musangano iri, VaAlbert Manenji, vanoti vakaona zvakakosha kuti vatore danho iri sezvo mamwe matunhu anga achichema chema kuti ari kunonoka kana kutotadza kuwana mari idzi nekuda kwezvimhingamipinyi zvinokonzerwa nekugoverwa kwemari kana ichibva kumuzinda.

Vanoti pari zvino sangano iri riri kungoita zvirongwa zvakafanana kumatunhu ose, pasina kutariswa kuti zvichemo zvinogona kusiyana dunhu nedunhu.

Gore rino sangano iri rakaisa parutivi mari inosvika mamiriyoni mashanu ekushandisa mukurwisa pamwe nekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Matunhu makuru gumi emunyika achawana mazana mashanu ezviuru zvemadhora iyo anozopa kumatunhu maduku zvichienderana nezvirongwa zvaanenge achiita.

Svondo rino misangano yekukwenenzvera hurongwa uhwu iri pakati kuMasvingo uko humiriri hwematunhu madiki ose ari makumi masere nemashanu munoshandira sangano reNational Aids Council huri kudzidziswa.

Hurukuro naVaAlbert Manenji
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG