Accessibility links

Breaking News

VaZhanda Vanoti Nhengo dzeZanu PF Dzakazvigarisa paPapurazi Ravo Ngadzibve


VaPaddy Zhanda
VaPaddy Zhanda

Nhengo yeZanu PF uye vari mutewedzeri wegurukota rezvekurima vachiona nezvezvipfuyo, VaPaddy Zhanda vanoti hachisi chokwadi kuti vakapa mvumo yekugara kuvanhu vakazvigarisa zvisiri pamutemo papurazi ravo reCaledonia riri kumucheto kweguta reHarare.

VaZhanda vanoti dai vaida kuti vanhu vakazvipa nzvimbo dzekugara papurazi ravo vagare, dai vasina kutora matanho ekuwana mutongo wedare wekuti vanhu ava vabviswe, uye zvivakwa zvavo zviputswe.

Bepanhau reHerald mwedzi wapera rakaburitsa mashoko ekuti mumiriri weHarare East muparamende uye vari nhengo yeZanu PF, VaTerrence Mukupe vakati VaZhanda vakanga vabvuma kuti vanhu vanodarika zviuru zvitatu vakazvigarisa papurazi ravo vambogara.

Asi VaZhanda vanoti aya manyepo sezvo vasina kumbobvira vaita hurukuro nemunhu akazotaura mashoko avanonzi vakataura aya.

Vakati pane vamwe vezvematongerwo enyika vari kunyepera vanhu kuti nzvimbo iyi iri muHarare East, asi iyo iri mudunhu reGoromonzi North iro vanomirira zvekare mudare reparamende risineyi nechekuita neHarare East.

“Zviripo ndezvekuti vanhu vakapinda papurazi zvisiri pamutemo, papurazi rinotove nema title deeds, purazi itori private property,”vanodaro VaZhanda. “Vakapindapo dai kuri kunzi vanhu vakapinda vachizvipa dzimba, asi vakapindapo makoronyera, matsotsi anosvikopega otanga kutengesera vanhu, achitorera vanhu, vachitengesa land isiri yavo.”

VaZhanda vanoti vamwe vangaita gakava rekuti purazi iri harisi raZhanda, nderemurungu, asika kana dai riri remurungu, handizvo zvingaita kuti munhu angopinda papurazi remurungu iroro otanga kupega nekutengesa masitendi.

Purazi reCaledonia rakanga rapindwa nenhengo dzeZanu PF dzakaumba mushandirapamwe weNhaka yeMadzitateguru Edu, asi varidzi vepurazi iri vakazoenda kumatare vakawana mutongo wekuti vanhu ava vabviswe.

Vamwe vevagari vepapurazi iri vakatombosungwa vakamiswa pamberi pematare zvivakwa zvavo zvakaputswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG