Accessibility links

Breaking News

Murwiri weKodzero dzeNgochani Opihwa Mubairo Wekushinga Panguva Iyo VaMugabe Vaishora Ngochani


GALZ
GALZ

Panguva apo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vaishora zvechingochani kumusangano weUnited Nations General Assembly neMuvhuro, mutungamiri wesangano reGays And Lesbians Of Zimbabwe (GALZ) VaChesterfield Samba vaipihwa ruremekedzo rwekushinga rweCelebration Of Courage Award.

VaSamba vakapihwa ruremekedzo urwu neSangano ReInternational Gay and Lesbian Human Rights Commission (IGLHRC), muNew York pamusoro pebasa ravari kuita munyika rekurwira kodzero dzengochani munyika.

Vachitaura pamusangano weUnited Nations General Assembly, VaMugabe vakati nyika dzekunze hadzifanirwe kumanikidza nyika yavo zvinhu zvisiri zvetsika dzayo zvakadayi sechingochani icho vano shora.

XS
SM
MD
LG