Accessibility links

Breaking News

VaStan Zvorwadza Vopotsa Vapambwa Masikati Machena Zvakaitwa VaItai Dzamara?


Abducted political activist Itai Dzamara
Abducted political activist Itai Dzamara

Imwe nhengo yebhodhi reNational Vendors’ Union Zimbabwe inoti inorwadziwa zvikuru nemashoko emutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Amai Charity Charamba, ekuramba kuti pane vanhu vakaedza kuipamba neMugovera.

VaSten Zvorwadza vanoti pane humbowo hwekuti vakapona neburi retsono mushure mekuda kupambwa nevarume vana vaive nepfuti uye vaine motokari yerudzi rweFord Ranger Twin Cab ine ruvara rwutema nenhamba dzinoti ACO 4856.

Asi Amai Charamba vakaudza bepanhau reNews Day kuti chiitiko chinonzi naVaZvorwadza vaida kupambwa, kwaive kunetsana kwavakaita nemumwe mutyairi mumugwagwa, zvisineyi nekuda kupambwa sezvavari kutaura, uye pfuti yavanoti vakanongedzwa mumusoro yaive pfuti yekuvhimisa shiri kwete pfuti chaiyo.

Ukuwo VaZvorwadza vanoti vaive mumugwagwa weHarare-Chegutu vachienda kumusangano nenhengo dzavo kuKadoma pavakavharirwa nemotokari yaida kuvapamba iyi.

Vanoti ndipo pakabuda varume ava vachibva vatanga kuvarova zvakaipisisa pamwe nekuvadhonzera kumotokari yavo.

Vanoti vakazoponeswa nekuchema neruzha kwavakaita uye vamwe vedzimotokari vakamiramirawo vakavanunura.

VaZvorwadza vanoti vave kurarama mukutya kukuru mushure mechiitiko ichi vachitarisa zvakaitika kumutungamiri wesangano reOccupy Africa Unity Square, VaItai Dzamara, avo vava nemasvondo matatu vapambwa uye vasingazivikanwe kwavari kusvika pari zvino.

Vanotiwo bazi remapurisa eboka rePolice Internal Security and Intelligence (PISI) vepaHarare Central Police Station vavashanyirawo vachidawo kunzwisisa kuti chii chakatora nzvimbo kwavari.

Vanotiwo magweta avo ari kushanda nezvenyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG