Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeZanu PF Dzinoratidzira Dzichitsigira Amai Mugabe


Zanu PF inonzi yaita mapoka maviri, rimwe rinotsigira VaEmmerson Mnangagwa nerimwe rinotsigira Amai Joice Mujuru
Zanu PF inonzi yaita mapoka maviri, rimwe rinotsigira VaEmmerson Mnangagwa nerimwe rinotsigira Amai Joice Mujuru

Zvinhu zvinonzi hazvichina kumira zvakanaka mubato reZanu PF zvichitevera kuratidzira kwaitwa nezviuru zvevamwe vatsigiri vebato iri pamuzinda webato iri muHarare.

Varatidziri ava vanonzi vanga vachida kuti mutevedzeri wemutungamiri webato iri, Amai Joice Mujuru, vaferefetwe nenyaya yehuori hwavari kupomerwa.

Zviuru izvi zvinonzi zviri kutsigirawo kupinda kwemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, mune zvematongerwo enyika, zvaungana pamuzinda webato iri zviine zvinyorwa zvinonyomba Amai Mujuru, pamwe nasachigaro wesangano revakarwa muhondo yerusununguko, VaJabulani Sibanda.

Kuratidizira uku kwaitika pamberi pemusangano wePolitiburo yebato iri, uyo wanga uchiri kuitwa pataenda pamhepo. Musangano uyu unonzi wanga uchitarisirwawo kuzeya misangano yakaitwa naAmai Mugabe mumatunhu ose enyika.

Vatsigiri ava, avo vanonzi vabva mumapoka evakarwa hondo, vechidiki pamwe nemadzimai, vanonzi vari kudawo kuti vanonzi vari kuda kuti VaMugabe vabve pachigaro vatorerwe matanho.

VaMugabe vanonzi vazotaura kumhomho iyi vachiitenda nekuburitsa zviri muhana dzayo, izvo vanonzi vati zviri kuda kuparadza musangano. Vanonzi vatiwo vachaona kuti zvido zvavo zvazadziswa.

VaMugabe vanonzi vaudzawo mhomho iyi kuti sachigaro wevakarwa hondo, VaJabulani Sibanda, avo vanonzi havana kupinda misangano yaiitwa naAmai Mugabe mumatunhu emunyika, vakapiwa motokari.

Vavimbisa kuti vanhu vachapiwa mukana wekusarudzo vavanoda pakongiresi iri kuitwa kutanga kwaZvita uye vati vanhu vachaita izvi vasingambunyikidzwi sezvavati zviri kuitwa mumatunhu nemasachigaro ematunhu.

Zvimwe zvezvinyorwa zvanga zviine vanhu ava zvanga zvakanzi pasi negamatox, VaMugabe chete ndivo vakasarudzwa nevanhu, Jabulani Sibanda chimbwasungata chaDoctor 10 % nezvimwe zvekunyomba.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika pamwe nevanoongorora zvematongerwo enyika vanoti zviri kuitika mubato reZanu PF zvekuti mutevedzeri wemutungamiri webato iri uye ari mutewedzeri wemutungamiri wenyika ari pachigaro aratidzirirwe hazvisati zvamboitika munhoroondo yebato iri.

Asi vanoongorora zvematongwero enyika uye vachitsigira Zanu PF, VaMorris Ngwenya, vanoti uyu ndiwo mucherechedzo wekuti muZanu PF mune hutongo hwejekerere sezvo vanhu vari kubvumidzwa kuburitsa zviri mupfungwa dzavo.

Asi izvi zvashoropodzwa nenyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mangongera, avo vanoti uyu mucherechedzo wekuti muZanu PF hamuna gutsaruzhinji rinotaurwa nezvaro.

VaMangongera vanoti vari kuratidzira ava vari kutya kuenda kusarudzo dzekongiresi vachizomisidzana naAmai Mujuru sezvo vachiziva kuti havana mukana.

Hurukuro naVaCharles Mangongera pamwe naVaMorris Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG