Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votosvora veRudzi rweKalanga


Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Mashoko akataurwa neChitatu nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti vanhu verudzi rweKalanga vari mudunhu reMatabeleland South havana kudzidza uye vanoita zvehumbavha kwavanomhanyira kunoshanda kuSouth Africa, asimudza mutauro mukuru.

Vakawanda vari kutumira mashoko pamwe nekutaura neStudio 7 vanoti mashoko akadai akanga asingatarisirwa kutaurwa nemutungamiri wenyika.

Vamwe ndivo vanoti mashoko aVaMugabe aya anenge ari kutsinhira kurwiswa kwezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvichipomerwa mhosva dzehumbavha nezvimwe zvakadaro, dzinosanganisira kutorera zvizvarwa zveSouth Africa mabasa.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, VaMugabe vakati maKalanga anozivikanwa nekunetsa muSouth Africa, vachizivikanwa semakuruku nekuti havana kudzidza zvakakwana zvekuti vakwanise kuwana mabasa akanaka.

Munyori mukuru webato reMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaMoses Mzila Ndlovu, vanoti mashoko akataurwa naVaMugabe aya mashoko avanga vasingafungidziri kubva kumutungamiri wenyika.

VaMzila Ndlovu vanoti mashoko akadai ndiwo mamwe emashoko ari kukonzera kupondana kwemarudzi munyika dzakawanda kusanganisira dzemuAfrica.

VaMzila Ndlovu vanoti VaMugabe vanofanirwa kukumbira ruregerero kuvanhu vekuMatabeleland South nevanhu verudzi rweKalanga rwese.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaMorris Ngwenya, vanoti havaoni chakakanganiswa naVaMugabe pamashoko avo, sezvo vasina kunangana nerudzi rumwechete, asi kuti vakapa semuenzaniso chete.

VaNgwenya vanoti hapana chekuti VaMugabe vangakumbira ruregerero kuvanhu sezvo vasina chavakatadza.

Asi VaMzila Ndlovu vanoti nemaziviro avanoita VaMugabe, havasi munhu angakumbira ruregerero panyaya diki yakadai kana vakambotadza kukumbira ruregerero pakupondwa kwevanhu munguva yeGukurahundi pakatofa vanhu vakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG