Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Vabereki Vakawanda Vachichema neRekushaya Mari


Vabereki vazhinji vaswera vachunganidza zvinodiwa nevana vavo mukudzidza
Vabereki vazhinji vaswera vachunganidza zvinodiwa nevana vavo mukudzidza

Vabereki vazhinji vanonzi vaswera vachimhanya-mhanya vachigadzirira vana vavo vasati vadzokera kuzvikoro, izvo zviri kuvhurwa neChipiri panotanga kotoro yetatu.

Vabereki vakawanda vanoti vakatarisana nedambudziko rekushaya mari dzechikoro pamwe nedzekutengera vana vavo zvinhu zvinodiwa sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.

Mumwe mubereki ndiMbuya Gerlie Nhute vekuGweru, avo vari kuchengeta vazukuru vavo.

Mbuya nhute vanoti vane dambudziko rekuti vakwanise kuunganidza mari yekubhadharira vazukuru vavo vatatu mari dzinodiwa kuzvikoro, sezvo vasina mumwe anovapawo rubatsiro.

Vanoti kunyange hazvo rwendo rwuno vakakwanisa kuunganidza mari nguva ichiripo, hurumende kuburikidza nechirongwa che Basic Education Assistance Module, BEAM, inofanirwa kubatsira vanoshaya, zvikuru vakaita senherera dzavari kuchengeta.

Hurukuro naAmbuya Gerlie Nhute
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, rimwe sangano revarairidzi, reZimbabwe Teachers Association, Zimta, rinoti vabereki vanofanirwa kuramba vachitsigira varairidzi munyaya dzedzidzo kuitira kuti vana vakwanise kubudirira muzvidzidzo zvavo.

Mukuru weZimta, VaSifiso Ndlovu, vanoti nekuda kwekukundikana kwevabereki kubhadhara mari dzinodiwa muzvikoro, varairidzi vazhinji vanopedzisira voshandisa mari dzavo mukutenga zvekushandisa, sezvo hurumende iri kutatarikawo kubatsira zvikoro.

Varairidzi vanonzi vane zvichemo zvakawanda zvakanangana nebasa ravo pamwe nemihoro yavanotambiriswa, izvo zvakanga zvaita kuti varonge musangano negurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, neChitatu chesvondo rino.

Asi vane ruzivo nezvenyaya iyi vanoti musangano uyu wazoendeswa mberi nekuti VaDokora vanonzi vati vanenge vakamanikidzika nemusi uyu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaDokora panyaya iyi.

Asi VaNdlovu vanoti imwe nyaya inofanirwa kugadziriswa ndeye mari dzekubatsirika idzo dzakambomiswa.

VaNdlovu vanoti mari idzi hadzifanirwi kudzorwa sezvo dzichipatsanura varairidzi uye kuremedza vabereki.

Nyaya yemari dzekubatsirika iyi inonzi iri kupatsanurawo masangano anomirira varairidzi, sezvo mamwe achinzi ari kuda kuti mari idzi dzidzoke.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumamwe masangano anomirira varairidzi munyika.

Hurukuro naVaSifiso Ndlovu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG