Chishanu, Chikunguru 31, 2015 Local time: 19:23

Nhau / Africa

Mapurisa Oferefetwa Mabatiro Aaari Kuita Masangano Akazvimirira

x
Irwin Chifera
Dare remakurukota rinonzi rakapa neChipiri makurukota anoona nezvemukati menyika masimba ekuita basa rekuferefeta kushungurudzwa kunonzi kuri kuitwa masangano akazvimirira nemapurisa, uye kushungurudzwa  kwevanhu vari kunyoresa mazita avo kuti vazokwanisa kuvhota musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.

Rimwe remakurukota anoona nezvemukati menyika, Amai Theresa Makone veMDC-T, vaudza vatori venhau  muHararare neChitatu kuti vakapihwa basa iri mushure mekunge dare remakurukota razeya nyaya dzekushungurudzwa kwevemasangano anoshanda akazvimirira.

Vatiwo dare iri harisi kufara nekuvhiringwa kuri kuitwa vanhu vari kuenda kunonyoresa kuvhota vakati  pamusangano weChipiri, mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai,  vakati mapurisa nemasabhuku haanei nevanhu vari kunoyoresa kuvhota uye anofanira kuvarega vachinyoresa kuitira kuti vagokwanisa kuvhota.

Amai Makone vati ongororo yavo ichatora svondo rimwe chete uye vanotarisira kuti mapurisa ese achawanikwa aine mhosva yekungosunga sunga nekushungurudzwa vanhu zvisina mwero acharangwa zvakaomarara pachishandiswa mutemo wemapurisa wePolice Act.

Mukati memasvondo mashoma apfuura, mapurisa ange ari kuenda kumahofisi emasangano anoshanda akazvimirira muHarare, Bulawayo nemamwe madhorobha achishungurudza nekusunga vemasangano aya achivapomera mhosva yekunyoresa vanhu kuti vavhote. Dzimwe nyaya idzi dziri mumatare edzimhosva.

Apo Amai Makone vange vari kuita musangano nevatapi venhau, mapurisa ange ari kurova nhengo dzeWomen of Zimbabwe Arise dzange dziri kufora dzichienda kudare reparamende dzichida kutura zvichemo zvadzo maererano nebumbiro  iri kumutauriri wedare re House of Assembly, VaLovemore Moyo.

Amai Makone vashora kuita kwemapurisa uku vakati vachaongororawo zvaitika neChitatu.

Nhengo dzeWoza idzi dzarohwa zvakaipisisa dzikakandirwa hutsi hunokachidza dzikatadza kusvika kuparamende.

You May Like

Vhidhiyo Zimbabwe Inoda Kuti Murume Akauraya Cecil Atongwe

Gurukota rekuchengetedzwa kwemasango nemhuka, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri vanoti Zimbabwe irikukumbira nyika yeAmerica kuti iunze mugari we America Va Walter Palmer kuZimbabwe kuti vatongerwe mhosva yavo yekuuraya shumba, Cecil, zvisiri pamutemo. Onai zvimwe

VaChivasa Vanoti VaMugabe Ndivo Vari Kuomesera Vashandi

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapindawo mugakava rakasimudzwa nemutongo wedare reSupreme Court, wekuti makambani anogona kumisa vashandi mabasa mushure mekuvapa zviziviso zvemwedzi mitatu. Onai zvimwe

VaMugabe Vovimbisa Kuvandudzwa kweMutemo weVashandi neVashandirwi

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChitatu vakapindawo mugakava rakasimudzwa nemutongo wedare reSupreme Court, wekuti makambani anogona kumisa vashandi mabasa mushure mekuvapa zviziviso zvemwedzi mitatu Onai zvimwe

Kufa kwaMuzvare Nyamubaya Koburitsa Nhuna dzeMadzimai Akaenda kuHondo

Muzvare Zindi vanobvunza kuti Zimbabwe yatiri kurarama mairi nhasi, ndiyo here yavakasiyira zvose kuenda kuhondo vari vana vadiki vachitsvaga rusununguko rwenyika. Onai zvimwe
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

  • Nhau dzeShona
    30 min

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700...

  • Live Talk
    30 min

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

Facebook