HARARE —
Mapurisa emuHarare anoti asunga munhu anga achifamba achinyebera makambani akawanda mudhorobha achishandisa zita regurukota rezvehumhizha hwekufambiswa kwemashoko, Va Nelson Chamisa, mukutenga zvinhu mumakambani aya.
Mutauriri wemapurisa mupurovhinzi yeHarare, Amai Charity Chibanda, vaudza Studio 7 parunhare kuti munhu uyu aifamba achiti zvinhu zvaaitora kumakambani aya zvainge zviri zvekupurazi raVaChamisa.
Asi VaChamisa varamba mashoko ekuti vane purazi kana kuti pane munhu wavaituma.
Amai Chibanda vati zita remunhu uyu havasi kuriburitsa sezvo musungwa uyu achiri kubatsira mapurisa nekuferefeta nyaya iyi.
Vaenderera mberi vachiti makambani akawanda anosanganisira National Foods akatsotswa zvinhu zvinokosha zviuru nezviuru zvemadhora asi vati havasati vanyatsoziva kuti imarii chaizvo sezvo mapurisa achiri pakati pekuferefeta nyaya iyi.
VaChamisa, avo vanove zvakare murongi wemisangano mu MDC-T, vanoti vazivawo nezvenyaya iyi neChipiri mushure mekufonerwa nemapurisa.
Amai Chibanda vati musungwa uyu akatarisirwa kumiswa pamberi pedare munguva pfupi iri kutevera achipomerwa mhosva yekuba pamwe nekushandisa zita raVaChamisa zvisirizvo.