Accessibility links

Breaking News

Kuwondomoka kweUpfumi Kwowedzera Zvirwere zvePfungwa Munyika


Varwere vepfungwa vanonzi vanosiiwa muzvirongwa zvakawanda, vamwe vachisungwa makumbo necheni.
Varwere vepfungwa vanonzi vanosiiwa muzvirongwa zvakawanda, vamwe vachisungwa makumbo necheni.

Zvirwere zvepfungwa zvinonzi zviri kuramba zvichitekeshera munyika zvichitevera kuwondomoka kuri kuramba kuchiita hupfumi hwenyika.

Nyanzvi inowona nezvezvirwere zvepfungwa Dr. Sekai Nhiwatiwa vanoti veruzhinji munyika havakoshese zvirwere zvepfungwa uye vanofungira kuti zvinokonzerwa nekuroyiwa kana mamhepo, votanga vaenda kuchivanhu kana kumaporofita vasati vaenda kuchipatara.

Izvi zvinonzi zviri kuita kuti dambudziko iri rirambe rechikura sezvo murwere achizononoka kuwana rubatsiro.

"Zvatiri kuwona ndezvekuti vazhinji vanotanga vaenda kuchivanhu kana kumachechi emweya vozowuya nemurwere wepfungwa zvinhu zvisisina kumira zvakanaka, asi isu tino kurudzira kuti murwere aendeswe kunachiremba nechimbi chimbi," vanodaro Dr Nhiwatiwa.

Zvipatara zvehurumende zvinofanirwa kunge zvichipa rubatsiro kuvarwere vepfungwa pachena asi nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka panyaya yehupfumi hwenyika, dzimwe dzenguva varwere havasi kukwanisa kuwana mishonga yavo pachena izvo zviri kushungurudza mhuri dzakawanda.

"Tinobatikana nekuti kuwondoka kwaita zvinhu munyika kwakonzera kuti mimwe mishonga ishaikwe muzvipatara zvehurumende saka shuwiro yedu ndeyekuti mari inodirwa muzvirongwa zvekurapa vanorwara nepfungwa iwedzerwe," Dr. Nhiwatiwa vanodaro.

Dr. Nhiwatiwa vanoti zvirwere zvepfungwa zvinowanikwa muvana nemuvanhu vakuru asi zvakakosha kuti vanhu vasaseme vanorwara uye kuti vaphihwe rubatsiro pachiri nenguva muzvipatara kana kunaana chiremba.

Munguva yapfura zvinonzi huwandu zvevanhu vainge vachitora hupenyu hwavo zvisina tsananguro hwanga huchiramba hwuchikwira sezvo vanhu varisi kuziva kuti votambira seyi matambudziko akatarisana nenyika nezvimwewo.

"Dai vanhu vakakwanisa kuwunza avo vanenge vachiratidza kunge vave kubatwa nezvirwere zvepfungwa kuti tizeye navo nekuti pane dzimwe nguva pfungwa dzekuti munhu azvipfuudze dzinogona kushandurwa kana munhu uyu akawana rubatsiro pachiri nenguva," Dr Nhiwatiwa vanoudza Studio7.

Vamwe vevanorwara nepfungwa vanonzi vanosangana nechirwere ichi mushure mekutora zvodhaka zvakafanana nembanje kana zvimwe zvinwiwa zvinodhaka.

Pasi rose rakacherechedza zuva revanorwara nepfungwa iri kana kuti World Mental Heath Day neMugovera.

Hurukuro NaDr Sekai Nhiwatiwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG