Accessibility links

Breaking News

ZRP: Mutemo wePOSA Ngaurambe Uripo


Mapurisa eZimbabwe Republic Police anoti mutemo we Public Order and Security Act kana kuti POSA, uyo unonzi nevemapato anopikisa, nemamwe masangano anoshanda akazvimirira unoshandiswa kuvambunyikidza, kuvashungurudza nekuvhiringa misangano yavo, wakanaka chose mukuchengetedza runyararo nekodzero dzevanhu munyika.

Mashoko aya ataurwa nemumwe mukuru wemapurisa anoona nezvemitemo muchipurisa, Assistant Commissioner Takawira Nzombe, apo vange vari kutsangangurira komiti yeseneti inoona nezvekodzero dzevanhu mabasa emapurisa mukuvandudza kodzero dzevanhu munyika.

VaNzombe vati mutemo wePOSA unoshandiswa nemapurisa mukuona kuti masangano kana vanhu vanoratidzira vaita izvi murunyararo vasingatyore kana kuparadza zvinhu zvavamwe vanenge vasingaratidziri.

Vati zvichanetsa kuti mapurisa achengetedze runyararo sezvo bumbiro idzva rave kupa vanhu mukana wekuita misangano kana kuratidzira pamadiro

VaNzombe vati POSA yakanakira pakuti mapurisa anoita misangano nevanenge vachida kuratidzira pamwe nekuzivana navo kuitira kuti kana paine zvinenge zvaitika kana kuparadzwa kwezvinhu vanenge varonga kuratidzira ndivo vaizoripa.

Vati havabvumirani nevanoti mutemo wePOSA wakashata vachiti mutemo uyu wakanaka chose.

Bumbiro idzva remitemo yenyika rinopa vanhu kodzero yekuratidzira kana kuita misangano pachena vasina kuudza mapurisa sezvinodiwa pasi pemutemo wePOSA.

Mutemo uyu mumwe yemitemo inodarika mazana mana inofanirwa kugadziriswa kuti iienderane nebumbiro idzva.

Asi VaNzombe vaudza komiti iyi kuti dai bumbiro ravandudzwa zvakare kuitira kuti mutemo wePOSA urambe uripo.

VaNzombe vatiwo mutemo wekuti munhu anenge asungwa anofanirwa kuendeswa kudare mushure memazuva maviri asungwa, kana kuburitswa kana izvi zvatadza, unokanganisa mashandiro emapurisa zvikuru sei kunzvimbo dzisina matare edzimhosva.

Vati kunzvimbo idzi matare anogara kamwe kana kaviri pasvondo uye zvinonetsa kuti vaburitse vasungwa zvikuru sei vanenge vachipomherwa mhosva hombe dzakaita sekuponda kana kubhinya.

VaNzombe vakumbirawo maseneta kuti kuti kana zvichigona bumbiro idzva rivandudzudzwe kuitira kuti vakwanise kuchengeta vasungwa munzvimbo idzi kwenguva yakareba kudzamara vaenda kumatare.

VaNzombe vatiwo kunyange hazvo dare redzimhosva repamusoro rakapa mutongo wekuti mapurisa anofanira kuchenesa zvitokisi zvawo, mapurisa haagoni kuita izvi pari zvino sezvo asina mari.

Vati dare risati rapa mutongo uyu zvichitevera nyaya yainge yakwidzwa kudare iri neveWomen of Zimbabwe Arise mwedzi wapera, hurumende yainge yatoita ongororo yakaratidza kuti zvitokisi zvemapurisa nemajeri zvinofanira kuvandudzwa nekugara zvakachena.

Vati munhu wese anoda kuti zvitokisi kana majeri agare akachena sezvo munhu wese achikwanisa kusungwa kana kuenda kujeri musi upi zvawo.

Mune imwewo nyaya, VaNzombe vati hapana zvingaitwe nemapurisa panyaya yevamwe vakuru vakuru vemakambani vaizvipa mari dzakawandisisa vachiti vanhu ava vaitambiriswa mari idzi nemabhodhi emakambani avo.

Vati kunyange hazvo zvisina kunaka kuita izvi pachivanhu, zviri kumabhodhi emakambani iwaya kugadzirisa nyaya idzi vachiti mumwe wevanhu vaitambira mazimari akawandisisa, VaHappison Muchechetere veZBC, vakangosungirwa nyaya dzehuwori pakutengwa kwemuchina wekutepfenyura kubva kuChina apo vari kufungudzirwa kuti vakaita chikiribidi pakutenga muchina uyu.

Zvichetevera kubuda kwenyaya dzemari dzakawandisisa idzi kana kuti Salarygate veruzhinji vange vakatarisira kuti pachasungwa vanhu asi kusvika pari zvino hapana chati chaitika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG