Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vobvumidzwa Kushandisa Nharembozva Muparamende


Jacob Mudenda
Jacob Mudenda

Dare House of Assembly rinoti vatori venhau vanofanirwa kubvumidzwa kushandisa mbozhanhare dzavo kana vachiita basa ravo muparamende.

Vachitura mutongo wavo mudare neChipiri, mutauriri wedare iri, VaJacob Mudenda, vati vatori venhau vanofanira kubvumidzwa kushandisa midziyo yemazuva ano yekutapa nhau yakaita sembozhanhare muPress Gallery yedare iri.

Vati mitemo yeparamende yeStanding Rules and Orders inofanira kushandurwa kuti iinderane nechizvinozvino chave kuitika mumabasa ekutapa nhau.

Mutongo uyu unotevera kurambidzwa kushandiswa mbozhanhare kwakaitwa vatapi venhau masvondo maviri nevanochengetdzwa runyararo paparamende.

Izvi zvakaita kuti nhengo yeparamende yeMabvuku uye vari nenhengo yeMDC T, VaJames Maridadi, vatsutsumwe kuna VaMudenda vachiti izvi zvinotyora kodzero dzevatori venhau pamwe nekutapwa nekufambiswa kwenhau.

Nhengo yeMedia Institute of Southern Africa zvakare vari mutapi wenhau anoshandira muparamende, VaColumbus Mavhunga, vatambira mutongo wapihwa naVaMudenda vakati zvainge zvaitwa zvainge zvisina kunaka

Mumwewo mutori wenhau, Paidamoyo Muzulu, anoti vakaita izvi vanofanira kurangwa.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vatapi venhau reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vati zvaitika izvi zvakakosha uye zvinoratidza kuti pachine vamwe mumapazi ehurumende vasingazive kuti mabasa ekutapa nhau ari kushanduka uye pavewo kushandiswa michina yechizvinozvino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG