Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeParamende Dzozeya Bhajeti reGore Rinouya


Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvebhajeti renyika, VaPaddy Zhanda, vanoti kupa vamiriri veparamende mari dzekusimudzira nzvimbo dzavanomirira ndiyo chete nzira inoita kuti nzvimbo nzese munyika dziwane mari yebudiriro.

Vachipa pfungwa dzekomiti yavo pamusoro pebhajeti renyika regore rinouya, VaZhanda vati zvakakosha kuti bazi rezvemari ripe nhengo dzeparamende mari kuitira kuti dzikwanise kuita mabasa ebudiriro munzvimbo dzavanomirira.

VaZhanda varatidzawo kusafara nenyaya yekuti bazi rezvemari range risiri kupa nhengo dzeparamende mari dzeConstituency Development Fund, CDF muna 2011 na2012 kunyange hazvo mabhajeti airatidza kuti hurumende yaive nehurongwa hwekuvapa mari yeCDF.

Vati kunyange hazvo pane dzimwe nhengo dzeparamende dzisina kushandisa zvakanaka mari yeCDF apo yakatanga muna 2010, izvi handizvo zvingaite kuti nhengo dzitadze kupihwa mari dzebudiriro yematunhu. Vati pane makurukota ehurumende nemapazi ehurumende anoshandisa mari zvisiri pamwero, asi achiramba achingopihwa mari yekushandisa.

Bazi rinoona nezveparamende nebumbiro remutemo nekomisheni inoona nezvekudzivirirwa kwehuwori zviri kuongorora nhengo dzine chitsama dzeparamende dzinofungidzirwa kuti hadzina kushandisa mari yeCDF zvine mwero.

Vatiwo komiti yavo iri kushushikana nenyaya yekuti makambani nemaindasitiri ari kuvharwa sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi. Vatiwo hurumende inofanira kuva nehurongwa hwekumutsiridza makambani nemaindasitiri, vachiti makambani mumativi mana ose enyika ari kuomerwa, kwete emuBulawayo chete.

VaZhanda vati gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vari panguva yakaoma pakuti vogova sei mari sezvo homwe yavo iri diki.

Vati bhajeti remabhiriyoni matatu nechidimbu chemadhora ishoma zvikuru, uye panofanirwa kutorwa matanho ekuunganidza mari kuti basa rehurumende rifambe zvakanaka.

VaBiti vakatura bhajeti regore rinouya masvondo maviri apfuura uye nhengo dzeparamende dzatanga kuzeya bhajeti iri nhasi.

Bhajeti regore rinouya rinotarisirwa kupasiswa kutambirwa nematare ese eparamende anoti reHouse of Assembly n Senate.
XS
SM
MD
LG