Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotanga Zvakare Kuopareta Zvirwere Zvemoyo


Zimbabwe ichatanga zvakare kuita maoparesheni ezvirwere zvemoyo mwedzi unouya mushure mekunge chipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals chapihwa muchina yekuitisa maoparesheni emoyo.

Zimbabwe ichatanga zvakare kuita maoparesheni ezvirwere zvemoyo mwedzi unouya mushure mekunge chipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals chapihwa muchina yekuitisa maoparesheni emoyo.

Muchina uyu unokosha mazana matatu ezviuru zvemadhora.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe yakapedzesera kuopareta moyo muna 2003 apo pakatanga kunetsa zvinhu munyaya dzehupfumi uye kubvira ipapo vane zvirwere zvemoyo vane mari vange vachienda kunorapwa kunyika dzakaita seIndia neSouth Africa ukuwo vanoshaya vange vakangogara uye vamwe vavo vakatofa.

Pane varwere vanodarika mazana mana vezvirwere zvemoyo vakamirira kuoparetwa uye vanhu ava vanosanganisira vana nevanhu vakuru.

Vachitaura apo vaparura kushandiswa kwemuchina uyu kuParirenyatwa, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaAdrina Musiiwa, vati zvakakosha kuti maoparesheni aitwe munyika sezvo izvi zvichiita kuti vanoshaya vakwanise kurapwawo.

Nyanzvi munyaya dzekurapwa kwezvirwere zvemoyo uye vachange vachitungamira maoparesheni aya, Dr David Chimuka, vati vachange vachishanda nanachiremba vanobva kuSouth Korea uye vati vanotarisira kutanga mwedzi unouya.

Vati vachatanga nevana gumi, vozotevera nechikwata chevanhu vakuru makumi matatu uye vanotarisira kuti gore rino vanenge vabatsira varwere zana nemakumi mashanu.

Dr Chimuka vanoti muchina wavapihwa uyu wakakosha chose uye unorerutsa basa ravo apo vanenge vachiita maoparesheni aya.

Vaenderera mberi vachiti kunyange hazvo paine vanhu vakuru vakawanda vane zvirwere zvemoyo vanonyanyo rwadziwa nenyaya yekuti pane vana vakawanda munyika vanozvarwa vaine moyo inenge iine maburi uye muchina uyu uchaita kuti vakwanise kuigadzirisa.

Vati zvinotora madhora anodarika zviuru zvina kuita oparesheni pamwana mudiki kozotiwo madhora zviuru zvitanhatu pamunhu mukuru. Vati izvi zviri nani chose kana zvichienzaniswa nekuenda kuSouth Africa nekuIndia.

Vakurudzira vemakambani nevanowana kuti vatsigire chirongwa ichi vachiti chinogona kuraramisa vanhu vakawanda vanorwara nezvirwere zvemoyo.

VaChimuka vati kambani yeMedtronicyekuSouth Africa, iyo ine muzinda wayo kuDublin, yavapa muchina uye zvasarira kuhurumende kuti itengewo mapiritsi nezvimwe zvinodiwa kuti basa riitwe.

Vatiwo havafari kuti hurumende ine katsika kekutora nguva yekutenga zvinhu zvinenge zvichidiwa vachiti kana vati pane zvanodiwa pabasa ravo zvinhu izvi zvinofanira kutengwa ipapo kwete kumbomirira kutsvaga kuti ndeipi kambani ingavatengesera zvinhu kana kuti kuenda ku tender pachirungu.

XS
SM
MD
LG