Sunday, May 19, 2013 Local time: 20:28

Nhau / Matongerwo eNyika

MDC neZanu-PF Dzotatsurirana Zvakabuda Mutsvakiridzo

Munyika maita kunetsana kwakanyanya panyaya yezvakabuda muongororo yakaitwa nesangano reMass Public Opinion Institute

Mutungamiri wehurumende, VaMorganTsvangiraiMutungamiri wehurumende, VaMorganTsvangirai
x
Mutungamiri wehurumende, VaMorganTsvangirai
Mutungamiri wehurumende, VaMorganTsvangirai
TEXT SIZE - +
Blessing Zulu
Munyika maita kunetsana kwakanyanya panyaya yezvakabuda muongororo yakaitwa nesangano reMass Public Opinion richishanda nenyanzvi munyaya dzezvematongwerwo enyika, Amai Susan Boysen vekuSouth Africa.

Ongororo yekubvunza vanhu zvavanofunga pamusoro pemapato ezvematongerwo enyika yakatsigirwa nemari kubva kusangano reFreedom House rine muzinda muAmerica.

Zviri kubuda muongororo iyi zviri kuratidza kuti bato reZanu-PF nemutungamiri waro, VaRobert Mugabe, riri kuwana rutsigiro kubva kune vanhu vakawanda zvichienzaniswa nebato reMDC rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Ongororo iyi inoratidzawo kuti rutsigiro rwebato reMDC-T rwadzikira kubva pazvikamu makumi matatu nezvisere kubva muzana kubva muna 2010 kusvika pari zvino. Asi rutsigiro rweZanu-PF runonzi rwakwira kubva pazvikamu gumi nezvinomwe kubva muzana kusvika pazvikamu makumi matatu nezvisere kubva muzana.

 Amai Boysen vanoti zvavakaona ndezvekuti veMDC-T kubva zvavapinda muhurumende yemubatanidzwa, vabva vanakirwa nemasimba vachikanganwa kwavakabva.

Asi veMDC vanoti vanhu vakawandisa paongoro iyi vanosvika zvikamu makumi mana nezvinomwe kubva muzana, havana kuda kupa pfungwa dzavo vachiti izvi  zvinoratidza kuti vanhu vachiri kutya uye vanofungidzia kuti vakawanda vevanhu ava vanovatsigira.

Asi veZanu-PF vanosimboramba kutambira ongororo dzeMass Public Opinion Institute vari kurova bembera rwendo rwuno vachiti zviri kubuda muongororo iyi zvave kureva kuti vanhu vakawanda vave kutsigira bato ravo. 

Ongororo iyi inoratidzawo kuti vanhu vemunyika havana kuwirirana kuti vofambira sei mberi munyaya dzezvematongerwo enyika.

Kunyange hazvo vakawanda vachiti zvinhu zvakambotifambei munyaya dzezvehupfumi kubva zvakaumbwa hurumende yemubatanidzwa, mabasa achiri kunetsa zvopa kuti vakawanda vagunun’une. 

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira uye  vakabatsira mukuita ongororo iyi, VaRashweat Mukundu, vanoti vakaita ongororo mumatunhu ose enyika.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vaudza  Studio7 kuti vanhu vakawanda zvikuru vatsigiri vavo vanotya kutaura nekudaro ongororo iyi haitaure chokwadi.

Asi V nhengo yeZanu-PF, aChris Mutsvangwa, vanoti zvave pachena kuti vanhu vakawanda vave kutsigira bato ravo.

Hurukuro naVaRshweat Mukundu
Loading
12:00:00 / -:--:--

Hurukuru naVaDouglas Mwonzora naVaChris Mutsvangwa
Loading
12:00:00 / -:--:--
This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Chirongwa

Facebook