Accessibility links

Breaking News

Operation of Hope Yobatsira Vana Vakaberekwa Vaine Miromo Yakavhiringika


Sangano reOperation of Hope richange riri munyika muana Chivabvu apo rinenge richiopareta pachena vana vadiki vakaremara miromo nedzimwe nhengo dzekumeso.

Izvi zvichaitirwa pa Harare Hospital muHarare.

Sangano iri richange rakabatana nebazi rezvehutano pachikoro chepamusoro che University of Zimbabwe pamwe nesangano reRotary nevamwe vana chiremba mukuita basa rakakosha iri.

Vana vachabatsirwa ndevaye vakaberekwa vaine miromo yakavhiringika, kana kuti Cleft lip ne Cleft palate.

Mumwe mubatsiri anowona nezvechirongwa ichi muHarare, Muzvare Martha Pamire, vanoti vanoda kupinda muchirongwa ichi vanofanirwa kuenda ku Harare Hospital kubazi revana vadiki nemusiwa 10 Chivabvu kuitira kuti vazokwanisa kuvhiyiwa pachena pasi pechorongwa ichi.

Muzvare Pamire vanoti vana mazvikokota vanobva kuAmerica vanobatana nevamwe vemunyika pakuita basa iri.

Sangano iri rinoita chirongwa ichi pachena gore rega uye rinoti rinoyedza kubatsira vese vanouya kunyange vamwe vachizokwanisa kuvhiyiwa gore rinozotevera kana vatadza kupinda pachirongwa chegore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG