Accessibility links

Breaking News

Luke Steyn Okundikana kuSochi kuMakwikwi eWinter Olympics


Sangano re Zimbabwe Olympic Committee rinoti riri kufara zvikuru nekutamba kwaita chizvarwa cheZimbabwe, Luke Steyn, mumitambo ye Men’s Giant Slalom Run 2 yaitwa muguta re Sochi mu Russia neChitatu.

Steyn akwanisa kupinda muchikamu chechipiri chemutambo uyu apo atora chinzvimbo chechimakumi mashanu nenomwe kubva pavanhu makumi manomwe nevana vakwikwidza.

Mutambi we ku United States, Ted Ligety, ndiye atora menduru yegoridhe mumutambo uyu. Atevedzerwa na Steve Missillier we kuFrance atora mukombe wesirivha, ukuwo Alexis Pniturault wekuFrance akatora we bronze.

Studio7 haina kukwanisa kubata Steyn kuSochi kwaari.

Mutungamiri wesangano re Zimbabwe Olympic Committee, Amai Anna Mguni, vanoti kuveko kwa Steyn kumitambo iyi kwakakosha sezvo kuchakurudzira vamwe vechidiki kutora mitambo yakadai sebasa chairo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG