Accessibility links

Breaking News

VaObama Vopa Mapepa Vari muAmerica Zviri Kunze kweMutemo


VaBarack Obama
VaBarack Obama

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muAmerica zvinoti zvinotambira nemufaro mukuru hurongwa hwemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, hwekuti vekunze vari kugara munyika iyi zvisiri pamutemo, vagare pamwe nekushanda muAmerica zviri pamutemo.

Vanhu vanobva kuZimbabwe, pamwe nevanobva kune dzimwe nyika dzinosanganisira Africa nepasi rose, vanoti VaObama varatidza hudzamu hwehutongi hwavo nekupa vekunze mukana wekugara munyika iyi zviri pamutemo.

Vachitaura neChina manheru paterevhizheni vachiparura hurongwa hwavo, VaObama vakati vari kutora danho iri kuitira kune vaya vari munyika vasina mhosva dzavakapara vawanewo mukana wekukudza mhuri dzavo vakasununguka muAmerica.

VaObama vakatiwo hurongwa hwavo hausi hwekudzinga vekunze munyika, asi kuti huvabatsire kuvaka mhuri dzavo vari muAmerica chero vachiremekedza mitemo yenyika.

Vakatiwo vekunze vakapara mhosva muAmerica kanawo vane dzimhosva dzinozivikanwa pasi rose, havasi kuzobvumidzwa kugara muAmerica. VaObama vanoti vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu vachabatsirikana nechirongwa ichi.

Mutungamiri weAmerica, uyo akaberekerwa muAmerica asi baba vake vachibva kuKenya, anoti munhoroondo dzehupenyu, pane nguva iyo vamwe vanhu vava zvizvarwa zveAmerica, vakange vari vanhu vekunze kwenyika iyi.

VaObama vakashandisa masimba avo semutungamiri wenyika mukutara mutemo mutsva uyu. Vanoti vakashandisa masimba avo nekuti bato reRepublican Party, iro rinotonga muHouse of Representatives, riri kutsika madziro pakuvandudzwa kwemitemo inobata vekunze.

Vakatiwo yava nguva yekuti matare eparamende muAmerica anofanirwa kuchitambira bhiri remitemo inovandudza mirawo inobata vekunze.

Mutemo waVaObama uyu unoreva kuti hapana mhuri dzichaburitswa dzakapinda munyika iyi zviri kunze kwemitemo.

Chimwe chizvara cheZimbabwe uye vari nhengo yekomiti yesangano rinobatsira zvizvarwa zvenyika dzemuAfrica, re African Immigrant Caucus, Mufundisi Isaac Mwase, vanoti sangano ravo ratambira nemufaro danho ravaObama sezvo chiri chishuvo chavo chekuti zvizvarwa zvekuZimbabwe nezveAfrica yose zviri munyika iyi zviri kunze kwemutemo, zvibatsirwewo.

Hurukuro naVaIsaac Mwase
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG