Accessibility links

Breaking News

HRW: Nhamo Yoramba Yakasona Vagari kuNuanetsi Ranch


Vanhu vakasara vasina pekugara zvichitevera mafashamu akaitika kudhamu re Tokwe Murkosi mudunhu reMasvingo gore rapera vanoti hupenyu huchiri hwakavawomera sezvo pasisina rubatsiro rwavari kuwana kubva kuhurumende nemsangano anoshanda akazvimirira.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aya abuda pakuparurwa kwegwaro rinoburitsa matambadziko akatarisana nevanhu ava.

Vachitaura kumucheto kwemusangano wekuparurwa kwegwaro resangano reHuman Rights Watch, iyo yakaita ongororo pamagariro evanhu kuNuanetsi Ranch, vamwe vevakasara vasina pekugara zvichitevera mafashamu emvura vanoti havasi kufara kuti hurumende nanhasi haisati yavapa pekugara pakati tsvikiti mushure megore mafashamu aya aitika.

Mumwe wevanhu ava, Amai Kundiso Tevera, vanoti vanzwa nekungotamiswa tamiswa nehurumende. Vati pavakagariswa kuNuanetsi padiki zvikuru zvekuti mhuri dzose dzakakanganiswa nemafashamu aya hadzina chadzinokwanisa kuita.

Amai Tevera vati chimwe chave kunetsa kupararira kuri kuita zvirwere zvemanyoka zvavanoti zviri kukonzerwa nemvura isina kuchena yavanoti vari kuwana muzvibhorani zvavati zviri chinhambwe kubva pa Nuanetsi Ranch pavakapihwa twuminda twekuti vagare.

Zvichakadai, mumwe wevanhu ava, Amai Wanisai Muzenda, vanoti chekudya ndicho chave kunetsa vanhu vazhinji vakabviswa ku Tokwe Mukorsi vachiti vanhu vazhinji vari kuziya nenzara zvichitevera kumbomira kubatsira kwakaita masangano aishanda akazvimirira kuvapa chikafu.

Amai Muzenda vanoti munhu anorarama nehutachiwana, nokudaro kushayikwa kwechikafu kunzvimbo yavakagariswa patsva iyi kwava kuvatadzisa kunwa mapiritsi avo uye vanoti vave kutoshuvira rufu.

Mumwe wevanhu ava, Va Kenneth Hlavano, avo vaimbova musoja, vanoti chiri kuvarwadza ndechekuti vakatamiswa rutatu kubva pakaita mafashamu aya pasina muripo.

Zvichakadai, vakaita ongororo yemamiriro akaita kwakagariswa vanhu vakabviswa ku Tokwe Murkosi ava uye vachishanda nesangano re Human Rights Watch, Va Dewa Mavhinga, vakurudzira komisheni inowona nezvekodzero dzevanhu kuti iferefete mabvisirwo akaitwa vanhu ku Tokwe Murkosi pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu ava kuri kuramba kuchienderera mberi.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rinowona nezvinoitika mudunhu re Masvingo, Va Kudakwashe Bhasikiti, vanga vasingadaire nhare mbozha ukuwo gurukota rinowona nezvinoitika mukati menyika, Va Kembo Mohadi, vanga vachidzosera mibvunzo kuna Va Bhasikiti.

Va Mavhinga vakurudzira kuti vari kushungurudzwa ava vakwidze nyaya dzavo kumatare edzimhosva. Va Mavhinga vataura izvi pakuparura kwaita sangano ravo gwaro rinotarisa maramiro evanhu vakabviswa kuTokwe Murkosi zvichitevera mafashamu emvura egore rapera riri kudaidzwa kuti “Homeless, Landless and Destitute – The Plight of Zimbabwe’s Tokwe Mukorsi Flood Victims

Gwaro raparurwa ne Human Rights Watch iri riri kukurudzira hurumende kuti iwanise pekugara vanhu vakakanganiswa nemafashamu emvura ava vanodarika zviuru makumi maviri pamwe nekuvaripa.

Sangano iri riri kukurudzirawo sangano renyika dziri mu Africa re African Union kuti riwone kuti Zimbabwe yachengetedza kodzero dzevanhu. Mutunngamiri wenyika, Va Robert Mugabe, ndivo vave sachigaro we AU.

XS
SM
MD
LG