Accessibility links

Breaking News

Huruva Yokuvadza Vagari kwaMutare


Kugadziriswa kwemugwagwa unobva kuHarare uchipfuura nemuguta reMutare wakananga kubodha reForbes uchipinda muMozambique kwava kukonzeresa mutauro kwaMutare sezvo vagari vasiri kufara nehuruva pamwe nehutsi huri kukonzereswa nemarhori anoshandisa mugwagwa uri kupfuura nemumisha yavo.

Marhori aya ava kurambidzwa kupfuura nemuguta achienda kwakasiyana-siyana nekuti mugwagwa uyu uri kugadziriswa.

Hurongwa hwekugadzirisa mugwagwa uyu huri pasi pehurumende hwekuti migwagwa yose inonanga kumabhonda inge ichigadziriswa patsva uye kuikudza kuti ienderana nehuwandu hwemotokari dzaveko mazuvano.

Magonyeti ari kushandisa Magamba Way, ozonopinda muna Jeff Road achinozobudira paGolden Peacock Hotel obva ananga kwaanoda kuenda ava mumugwagwa wetara.

Vagari vakatarisana nedambudziko iri rekupfumburirwa huruva nehutsi maMutare vanosanganisira vemumisha inoti Chikanga 2, Chikanga 3, Benwin, Zimta Park, Dreamhouse, Natville Park uye nekumisha yeGarikai/Hlalani Khuhle.

Mumwe mugari wemumusha weBenwin, Amai Nomatter Kanengoni, vanoti zviri kuvashungurudza zvikuru kubva pakatanga kushandisa magonyeti aya mugwagwa unopfuura nemumusha mavo achitibura huruva mazuva ose.

Amai Kanengoni vanoti marhori mahombe aya anopfuura kasingaperi izvo vanoti vava kutyira hutano hwavo nevana sezvo mhepo yovofema yava nehuruva yakawandisa kwazvo.

Mumwe mugari wemumusha weChikanga 2, Amai Susan Tasangana, vanotiwo misha mizhinji haichatarisiki nekuda kwehuruva inenge yakazara mumafafitera uye nepamarata. Amai Tasangana vanoti kupukuta mafafitera kwava kutambisa nguva.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu maMutare, VaDavid Tandiri, vanoti vagari vakauya kusangano ravo nechichemo ichi, vanogona kunotaura ne ZENARA kuti izvi zvimiswe.

VaTandiri vanoti hurumende yaifanirwa kutanga yagadzirisa mugwagwa kwawo, sezvo motokari hombe dzisingatenderwi kufamba nemunogara veruzhinji.

Nyanzvi inoshanda nesangano reEnvironment Africa maMutare, VaLawrence Nyagwande, vanoti zviri kuitika kuvagari vemaMutare zvinotyora kodzero dzavo.

VaNyangwande vanoti basa rekudzivirira kusvibiswa kwezvakatikomberedza riri mumaoko ebazi reEnvironmental Management Agency, EMA, iyo yaifanirwa kunge yakamisa izvi kare.

Mukuru webazi reEMA mudunhu reManicaland, VaKingstone Chitotombe, vanoti vakabatikana zvakanyanya kuti vatipewo zvavari kuita sebazi mukudzivirira zviri kuitika.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvakatikomberedza uye mamiriro ekunze, Muzvare Annastancia Ndlovu, vanoti EMA haisi kuita basa rayo nemazvo nguva zhinji.

Mumwe chiremba anoshandira maMutare, Dr Isaac Guranungo, vanoti huruva yakawanda munzvimbo munogara veruzhinji inogona kukonzera zvirwere zvemapapu zvakaita serurindi, flu, nezvimwe. Chiremba Guranungo vanoti zvakakosha kuti vagari vatore matanho ekuzvidzivirira kubva mukubata zvirwere izvi zvakaita sekunwa mukaka, uye kunoongororwa navana chiremba nguva nenguva.

Kugadziriswa kwemungwagwa uyu kunotarisirwa kupera mukupera kwegore rino.

Kudzamara izvi zvaitika, vagari vemaMutare vacharamba vakatarisana nenjodzi muhutano hwavo, sezvo mweya wavari kufema mazuva ose usina kunaka.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG