Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voita Hurukuro dzeChimbi Chimbi neGurukota reVashandi Amai Mupfumira


Kurudziro yedare remakurukota yekuti vemakambani vambomira kugumura vashandi inenge isina ari kuteerera sezvo makambani a munyika ari kuenderera mberi nekugumura vashandi basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvapa kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaite musangano wechimbi chimbi negurukota rezvevashandi, Amai Prisca Mupfumira.

Vane ruzivo nezvemusangano uyu vanoti nyaya yekuti padzikwe mutemo wechimbi chimbi unoshanda kwemwedzi mitanhatu ndiyo yanga iri mudariro.

VaMugabe vanenge vachiita izvi vachishandisa masimba avo pasi pemutemo wePresidential Powers Temporary Measures Act.

Amai Mupfumira mumashoko avo kuvatori venhau pakapera dare remakurukota neChina vakati vainge vachikumbira vashandirwi kuti vamire kugumura vashandi uye vakavimbisa kuti hurumende yaida kugadzirisa mutemo weLabor Act.

Asi makambani ari kuramba achigumura mabasa anosanganisira anoti Zimasco, Cotton Ginnery Sino-Zim, Econet, TN Holdings, Ruwa Pharmaceutical, MedTech, varidzi vebepanhau reDaily News, ANZ, vadzinga vashandi gumi nemumwe kusanganisia vasiri vatori venhau vanosvika vapfumbamwe.

Kambani yeANZ inoti yamisa vashandi basa nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi munyika.

Mutungamiri weZCTU, VaGeorge Nkiwane, vanoti nyaya yevashandi inofanirwa kugadziriswa nechimbi chimbi.

XS
SM
MD
LG