Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Mabasa Ari Kuitwa neMauto


Zimbabwe yacheredza makore makumi mana ekuumbwa kwemubatanidzwa wemauto eZimbabwe Defence Forces mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, vachitenda mauto kuchengetedza runyararo kwaari kuita munyika pamwe nekune dzimwe dzimwe nyika.

Vachitaura pamhemberero dzaitwa muHarare neChipiri, VaMugabe vati kunyange hazvo uto reZimbabwe Defence Forces riri kubatsira chose mukuchengetedza nyika, riri kubatsirawo veruzhinji mumabasa akasiyana siyana akaita sekurima pamwe nekuvaka zvikoro.

VaMugube vati uto iri riri kudyidzana nemamwe mauto mudunhu rekuchamhembe kweAfrica vakati pari zvino uto iri richishanda nemamwe emuSouthern African Development Community ari kuumba mauto eSADC neAfrican Union achagara akagadzirira.

Mauto emuZimbabwe akambobatsirawo muhondo dzakaitika kunyika dzakaita se Democractic Republic of Congo, Mozambique nedzimwe.

Kunze kwaizvozvo mauto emunyika anogaro kokwa nesangano repasi rose reUnited Nations kundochengetedza runyararo uye kubva muna 1992 kusvika pari zvino, Zimbabwe Defence Forces yatumira masoja anodarika zviuru zvishanu kunochengetedza runyararo kunyika dzakaita seSudan, Nepal nedzimwe.

Mumwe mugari wemuHarare, VaItai Mudzivaidze, vanoti mauto ari kuita basa guru rekuchengetedza runyararo kune dzimwe nyika nekudaro zvakakosha kuti aremekedzwe pazuva ranhasi.

VaMugabe vapa menduru dzehugamba kune vamwe vaimbove varwiri vehondo yerusununguko makumi maviri nemumwe vasina kunge vapihwa ruremekedzo urwu pakawana nyika kuzvitonga muna 1980.

Vamwe vevapihwa menduru idzi ndaVaJohn Makwasha, VaPilate Dube, VaShadreck Chipanga, Amai Irene Maesera Dube pamwe naAmai Florence Miti.

Amai Miti vanoti vafara chose kupihwa ruremekedzo rwakadai pagungano rakaita seranhasi.

Pane mamwewo mauto ane chitsama apihwa mamenduru ehushingi kuhondo yeDemocratic Republic of Congo.

Zimbabwe inocherechedza pamwe nekuremekedza mauto ayo masvondo maviri ekutanga aNyamavhuvhu gore rega.

Uto reZimbabwe Defence Forces, iro rinova mubatanidzwa wemauto emuchadenga, Air Force of Zimbabwe, nepasi, Zimbabwe National Army, rakaumbwa muna 1980 kubva mumubatanidzwa wevarwiri vehondo yesununguko pamwe nemauto aishanda munguva yeRhodesia .

XS
SM
MD
LG