Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanotuka Britain Vachiviga Major General Bandama


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vapomera Britain mhosva yekushandisa zvizvarwa zveZimbabwe kutsvaga hupoteri kunyika iyi senzira yekusvibisa zita renyika pamwe neraivo Va Mugabe.

Va Mugabe vataura mashoko aya neChina pamarinda anovigwa magamba enyika pa National Heroes, apo vange vachiviga mumwe mukuru mukuru muchiuto, Major General Eliah Bandama.

Va Mugabe vati Britain yakashandisa zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvitsvage hupoteri kunyika iyi iine chinangwa chekusvibisa zita renyika pamwe neravo nepamusana pekutorerwa kwakaitwa varimi vechichena minda nehurumende ye Zanu PF.

Va Mugabe vati ivo nehurumende yavo vamire pachokwadi uye havasi kudzvanyirira vanhu munyika.

Mumashoko anga ari mugwaro remashoko avo avanga vachitaura pa Heroes Acre ayo avasina kutaura, Va Mugabe vatiwo nyika dzekumavirira dziri kuramba dzichibata Zimbabwe nekuseri kwemawoko. Vati hurumende ye America yakatemera Zimbabwe zvirango pachikafu pamwe nemishonga yemuzvipatara.

Va Mugabe vati America ngaigare nechikafu chayo vachiti hurumende yavo iri kushanda zvakasimba pasi pechirongwa chekuvandudza hupfumi hwenyika che Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio Economic Transformation kuitira kuti nyika ive nechikafu chinokwanira zvizvarwa zve Zimbabwe.

Panyaya yemufi, Va Mugabe vatsanangura VaBandama semunhu akanga akazvipira kushandira nyika uye vadzokorodza mashoko avo ekuti pa Heroes Acre panovigwa vakarwa muhondo yechimurenga chete avo vavati ndivo vanhu vakapira hupenyu mukusungurwa pamwe nekusimudzirwa kwenyika.

Vakurudzirawo varume kuti vasaiite mabarika uye vasvora mutemarege unoitwa nevarume vazhinji.

Mukoma wemushakabvu, Va Fred Bandama, vati Major General Eliah Bandama vanga vari munhu aibatanidza vanhu.

Va Mugabe vazivisawo kuti Va Bandama, avo vanga vari Brigadier General, vakapihwa nyembe dzekuva Major General musi weChina svondo rapera vachizoshaya neChishanu mushure mekurwara kwenguva refu nechirwere chegomarara.

Munguva yehondo, Va Bandama vakarwa chimurenga pamwe chete nana Va Josiah Tongogara vari ku Mozambique. Kurwiwa kwehondo kwambomiswa pa ceasefire, Va Bandama ndivo vakava mumwe wevarwi vehondo kutanga kudzoka muZimbabwe vakazopinda muchiuto muna Chikumi 1980 nyika yatowana kuzvitonga kuzere. Vakaramba vachikwidziridzwa pabasa kusvika vave Major General pavazofa.

Vasiya mudzimai Winnie nevana vana nemuzukuru mumwe chete.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG