Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voronga Kubvuta Makambani eVekunze?


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika, vari zvakare mutungamiri webato reZanu-PF, VaRobert Mugabe, vanoti hurumende inofanirwa kutora zvikamu zvose zvehupfumi mumakambani ekunze kwenyika ari kushandira muZimbabwe.

Vachitaura pakuvhurwa kwemusangano webato ravo wepagore muGweru neChishanu, VaMugabe vakati ivo nebato ravo vaneta nenyaya yezvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana zviri kupihwa zvizvarwa zvenyika nemakambani ekunze, vakati vava kuda kutora zvikamu zvose zviri zana kuitira kuti hupfumi hwenyika hudyiwe nevana veZimbabwe.

Mashoko aVaMugabe aya anoreva kuti makambani ose evekunze kwenyika anenge otorerwa hupfumi hwawo hwese sezvakaitika muchirongwa chekutorera vachena mapurazi avo.

VaMugabe, avo vari kusvitsa makore makumi masere nemapfumbamwe muna Kukadzi gore rinouya, vakashorawo nyaya yehouri iyo vakati yatekeshera munyika pamabhodha, mumapurisa uye mubato ravo umo vanoti vamwe vari kutenga mavhoti.

VaMugabe vakatiwo vaneta nehurumende yemubatanidzwa nekudaro vave kuda kutara zuva resarudzo kana pasina chabuda muhurukuro dziri kuitwa mukunyorwa kwebumbiro idzva.

Asi mapato maviri ari muhurumende anoti VaMugabe havana masimba ekudavidzira kana kutara zuva resarudzo vasina kugara pasi vachiwirirana nevamwe vavo muhurumende

Ukuwo gurukota rinoona nezvemari, VaTendai Biti, vanoti hurumende haina mari yekuti iite sarudzo nereferendamu, nokudaro ichakumbira mari yekuita sarudzo kubazi reUnited Nations rinoona nezvekubatsira, reUnited Nations Development Program.

VaBiti vanotiwo havaoni sarudzo dzichiitwa mumwedzi waKurume gore rinouya sekuda kwaVaMugabe, asi kuti dzingangoitwa muna Chikumi kana zvose zvinoda kugadziriswa zvagadziriswa.

Sachigaro wesangano remadzimai muZanu-PF, Muzvare Oppah Muchinguri, vanoti vafara nemashoko aVaMugabe ekuendesa hupfumi kuvatema pamwe nezvesarudzo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inoshanda yakazvimirira, Muzvare Gladys Hlatywayo, vanoti mashoko aVaMugabe anogona kupa kuti vekunze vatye kupinda munyika kuzotanga mabhizimisi.

Zvichakaro, musangano we SADC Troika watanga neChishanu kuTanzania uchitarisa zviri kunetsa kuMadagascar, Democratic Republic of Congo neZimbabwe.

Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vanoti mutongi gava panyaya yeZimbabwe varizve mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vatura gwaro remamiriro akaita zvinhu muZimbabwe kumusangano weSADC Troika.

Kunyange hazvo VaSalamao varamba kutaura zviri mugwaro raVaZuma, vati gwaro iri eichazeyiwa zvakare neMugovera pamusangano mukuru weSADC.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika, uye vakamboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthopia, VaClifford Mashiri, vanoti SADC inofanira kumira semusambangwena kuona kuti zvinhu zvavandudzwa muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG