Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoita Nyoka Huru Yozviruma


Jonathan Moyo
Jonathan Moyo

Vamwe vevanhu vakadzingwa muZanu PF neChina vanoti zvakaitika muPolitiburo yeZanu PF munongedzo mukuru wekuti Zimbabwe ichange yotongwa nevanhu vatsva munguva pfupi inotevera.

Mashoko aya anotevera kudzingwa pamwe nekumiswa kwedzimwe nhengo dzeZanu PF dzichipomerwa mhosva yekushanda muchivande naAmai Joice Mujuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kunyange hazvo vazhinji vevakadzingwa ava varamba kutaura nezvenyaya iyi, mumwe wevakadzingwa ava, Va Kudakwashe Bhasikiti, avo vaimbova gurukota redunhu reMasvingo, vaudza Studio7 parunhare vari ku Mwenezi kuti kudzingwa kwavakaitwa uku kuchaita kuti Zimbabwe ive nehutungamiri hutsva munguva inotevera vachiti Mwari ane chikonzero nezvakaitika izvi.

Vaimbova mutauriri weZanu PF avo vakadzingwa kare mu Zanu PF, Va Rugare Gumbo, vanoti munhu ari kufara nezviri kuitika mu Zanu PF izvi, igurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Jonathan Moyo, avo vavanoti vari kupwanya bato iri vari mukati maro.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, Va Simon Khaya Moyo, kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya iyi. Hatinawo kubata VaJonathan Moyo kuti tinzwewo divi ravo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano re Habbakuk Trust, Va Dumisani Nkomo, vanoti kudzingwa kwevanhu ava kune chekuita nekurwisana kuri kuitika mu Zanu PF panyaya yekuti achatora matomhu kubva kuna Va Mugabe ndiani.

Zvichakadai, mukuru wesangano rinowona nezvesarudzo munyika, re Election Resource Centre, Va Tawanda Chimhini, vati kudzingwa kwakaitwa vanhu ava, vamwe vavo vanove nhengo dzeparamende, kuchakonzerawo zvakare kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda ichashandiswa pakutsvaga nhengo dzekuvatsiva muparamende.

Politburo yeZanu PF yakagara pasi neChina ikabvumirana kudzinga vaimbova sachigaro webato iri mu Mashonaland West, uye vari nhengo yeparamende, Va Ray Kaukonde, vaimbova gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Amai Olivia Muchena, mumiriri weMwenezi muparamende, Va Kudakwashe Bhasikiti, vanga vachimirira Mbire muparamende, Va David Butau, vaimbova sachigaro wedunhu reMasvingo, Va Killian Gwanetsa, vaimbova gurukota rezvemhando dzemoto, Va Dzikamai Mavhaire, Va Claudious Makova, avo vanga vari nhengo ye Central Committee, pamwe na Va Kudakwashe Gope avo vanga vari nhengo yepurovhinzi ye Mashonaland Central.

Politburo yakabvumiranawo zvakare kumbomisa basa dzimwe nhengo gumi nenhatu kwemakore mashanu uye nhengo idzi dzinosanganisira vaimbova gurukota rezvevashandi, Va Nicholas Goche, vaimbova nhengo ye Politburo, Va Tendai Savanhu, Va Munacho Mutezo, Va Chrsitopher Chigumba, Va Amos Midzi nevamwe.

XS
SM
MD
LG