Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vodzinga Basa Mamwe Makurukota Panopera Kongiresi


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vavhura kongiresi yebato ravo neChina vachiti vachadzika basa muhurumende vese vari kupomerwa mhosva yekuda kuvauraya, kuvabvisa pachigaro zvisiri pamutemo, pamwe nevari kuita zvehuwori.

Vatiwo vakapara mhosva vachamiswa pambari pematare edzimhosva. As vati vanoda humbowo hwakasimba kuti vanhu ava vasungwe nemapurisa.

Vachitaura pakuvhurwa zviri pamutemo kwekongiresi yebato ravo, VaMugabe vati vanhu vose vari kupomerwa mhosva vachavadzinga basa zvisinei kuti makurukota ehurumende kana kuti kwete.

As vasimbaradza kuti panofanirwa kuva nehumbowo hwakati tsvikiti.

Apo VaMugabe vanga vachitaura, mutevedzeri wavo, Amai Joice Mujuru, munyori wemabasa muZanu PF, VaDidymusa Mutasa, pamwe negurukota rezvevashandi,Va Nicholas Goche, havana kupinda mumusangano uyu.

VaMugabe vati hapana akavarambidza vanhu ava kuuya kukongiresi uye vaita chitsotsi chekusauya kumusangano.

Studio7 haina kunzwa kuna Amai Mujuru, VaMutasa kanawo VaGoche kuti seyi vatadza kupinda mumusangano uyu.

Asi vechidiki mubato iri vainge vayambira kuti vaizotadzisa kupinda mumusangano uyu Amai Mujuru nevamwe vavo.

Asi mamwe makurukota ehurumende ari kupomerwa mhosva yekutsugira Amai Mujuru vakaita segurukota rezvemhando dzemoto, VaDzikamai Mavhaire, VaTendai Savanhu nemukokeri wemisangano, VaWebster Shamu, vapinda mumusangano uyu asi pane nepapo vachimbosveveredzwa.

Vamwe vavo vange vakangonaiwa sezvo vange vachitya kuti vanogona kurohwa nevechidiki vebato iri.

VaMugabe, avo vange vakagara nemudzimai wavo patafura yepamusoro, vanga vakakomberedzwa nasachigara webato iri, VaSimon Khaya Moyo, mutauriri wedare reNational Assembly, VaJacob Mudenda, pamwe nemutungamiri wedare reSenate, Amain Ednah Madzongwe.

VaMugabe, avo vatonga nyika kwemakore makumi matatu nemana, vati vakaziva kwenguva yakareba zvairongwa naAmai Mujuru nevamwe vavo. Vatendawo mudzimai wavo nekuburitsa pachena zvavati idhende rairongwa naAmai Mujuru.

VaMugabe, avo vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nerimwe muna Kukadzi, vange vachiratidza kuneta uye vataura kwenguva diki kana zvichienzaniswa nezvevaisiita kare vachatemwa tsinga dzinobva ropa.

VaMugabe vanonzi vatadza kuenda kuBulawayo uko vange vachitarisirwa kuvhura mitambo yevechidiki yenhengo dzeAfrican Union dziri mudunhu rekuchamhembe kweAfrica.

Kongiresi iyi inotarisirwa kugadza Amai Mugabe semukuru wemadzimai muZanu PF, kudomwa kwevatedzeri vaviri vaVaMugabe mubato, pamwe nasachigaro webato iri.

Mushure mezvo VaMugabe nevamwe vavo vanenge vari muhutungamiri, vachagara pasi vodoma nhengo dzePolitiburo.

Kongiresi iyi inopera neMugovera.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG