Accessibility links

Breaking News

Hupenyu Hwoomera Vakawanda Vakadzingwa Mabasa


Zimbabwe Workers Demonstration
Zimbabwe Workers Demonstration

Veruzhinji vakadzingwa mabasa vanoti hupenyu huri kuvaomera zvekuti havachazivi chokuita nekune rumwe rutivi vemasangano anomirira vashandi munyika vari kukurudzira hurumende kuti ivandudze hupfumi hwenyika kuitira kuti vakawanda vakwanise kurarama kuburikidza nekuwana mabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:13:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vakadzingwa mabasa zvichitevera mutongo wakaturwa nedare repamusoro soro wekuti mushandirwi anogona kudzinga mushandi chero paadira mushure mekupa mushandi chiziviso mushandi achibhadharwa kwemwedzi mitatu asingaende kubasa.

Mumwe wevakadzingwa basa ava, Muzvare Lynette Kupara, avo vaishanda pane imwe kambani mu Harare vanoti kudzingwa kwavakaitwa basa kwavakavashungurudza zvikuru.

Zvichakadai, rimwe remasangano anomirira vashandi reZimbabwe Congress Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti harisi kufara kuti vanhu vazhinji vari kuramba vachirasikirwa nemabasa.

Munyori mukuru mu ZCTU, Va Japhet Moyo, vanoti kudzingwa kuri kuitwa vashandi mabasa mazuva ano kuri kukonzera kuti mhuri dzakawanda munyika dzinhonge svosve nemuromo.

Sachigaro webhodhi resangano reZimbabwe Labour Centre, Va Munyaradzi Gwisai, vanotiwo mamiriro akaita zvinhu munyika pari zvino panyaya dzevashandi kwakafanana nekudzosera ruzhinji kunguva yaitongwa nyika nevarungu. VaGwisai vanoti vashandi vese havasisina kodzero munyika.

Mukuedza kugadzirisa nyaya dzevashandi, mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vashandisa masimba avo kuti nhengo dzeparamende dzidzoke kudare mangwana kuti dzizozeya bhiri remitemo unobata nyaya dzavashandi munyika zvichitevera kudzingwa kuri kuramba kuchiitwa vanhu mabasa munyika yose.

Asi Va Moyo vanoti seZCTU havasi kufara kuti hurumende haina kumboda kunzwa pfungwa dzavo mukuwumbwa kwebhiri iri vachiti vane zvakawanda zvavasiri kugutsikana nazvo zviri mubhiri riri kuwunzwa kuparamende nehurumende .

Mutungamiri wesangano rinomirira vashandirwi re Employers Confederation of Zimbabwe, kana kuti Emcoz, Va John Mufukare, vanotiwo sangano ravo rine zvarisiri kufarawo nazvo zviri mubhiri iri.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvevashandi, Amai ....... Mupfumira, avo vasina kupindura mibvunzo yavakati tivatumire.

Zvichakadai, vaimbova munyori mukuru muZCTU uye vari zvakare mutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, vanoti zvichatora nguva yakareba kuti bhiri iri ripasiswe uku vanhu vachiramba vachingodzingwa mabasa.

VaTsvangirai vanoti masangano anomirira vashandi anofanira kubatana atarisane nehurumende achitaura nezwi rimwe chete kuti nhuna dzawo dzinzwikwe.

Nekune rumwe rutivi, Va Moyo vari kukurudzira hurumende kuti ibvise mitemo yakaita semutemo unowona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema vachiti mitemo iri kukonzera kuti vekunze vane mari vasauye kuzovhura makambani munyika zvinozoita kuti veruzhinji vawane mabasa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kudzingwa mabasa kuri kuitwa vanhu munyika pamwe nekuvharwa kuri kuramba kuchiitwa makambani akawanda kuri kukonzera kuti hupfumi hwenyika hurambe huchienda kumawere uye kuti veruzhinji varambe vachiwomerwa nehupenyu.

XS
SM
MD
LG