Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veMDC-T Voratidzira muHarare Vachiti Zvinhu Zvaipa muZimbabwe


Suspected MDC youths demonstrate in Harare demanding an election re-run
Suspected MDC youths demonstrate in Harare demanding an election re-run

Vechidiki veMDC-T varwisana nemapurisa pamberi pevatungamiri venyika dzekuchamhembe kwe Africa, SADC, avo vanga vachibuda munyika zvichitera musangano we SADC Summit wakaitwa mu Harare neChitatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vechidiki ve MDC-T ava, avo vanga vachidarika mazana vapinda mumigwagwa yemuHarare zvakare vachiratidzira kusafara kwavo nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Varatidziri ava vanga vakatakura mapepa ane zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvanga zvichitsoropodza mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe. Zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “SADC ngaitore matanho panyaya ye Zimbabwe”.

Anga achitungamira varatidzira ava, Va Happymore Chidziva, vanove sachigaro weboka revechidiki mu MDCT, vaudza Studio7 kuti kuratidzira kwavaita nhasi kwanga kwakangana nekuyeuchidza vatungamiri veSADC kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe munyaya dzehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika.

Vati musangano wakaitwa neSADC nezuro hauna kuzeya nyaya dzakakoshera zvizvarwa zveZimbabwe.

Va Chidziva vaudzawo Studio 7 kuti vamwe vevaratidziri ava varohwa zvakawomarara pamberi pevamwe vatungamiri veSADC vanosanganisira Va Phakalitha Mosisili veku Lesotho vange vave kudzokera kunyika dzavo.

Va Chidziva vati pane varatidziri vakuvara zvakapisisa muchiitiko ichi vakaendeswa kuchipatara.

Munyori muboka revechidiki reMDCT, Va Lovemore Chinoputsa, vati kuratidzira uku kucharamba kuchienderera mberi kudzamara munyika maitwa sarudzo dziri pachena uye hupfumi hwenyika hwamira zvakanaka.

Va Chinoputsa vati vakamboedza kunyorera hurumende pamusana pematambudziko akatarisana neveruzhinji munyika asi hapana mhinduro yavati vawana.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura negurukotarinowona nezvinoitika mukati menyika, Va Kembo Mohadi, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya

Asi mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati havana chavari kuziva nekurovana kwaita mapurisa nevechidiki ve MDC-T ava asi vakurudzira kuti vanhu vaite zvinhu murunyararo uye vachitevedzera mitemo.

XS
SM
MD
LG