Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vanga Vasara Vanowana Mabhonasi Avo


Hurumende yazokwanisa kupedza kupa vashandi vayo vose mari dzemabhonasi zvichitevera kutambira kwaitwa mari nevashandi vehurumende vose vanga vasara.

Mutungamiri wesangano rinomirira vashandi vehurumende ava, re Public Service Association, Amai Cecilia Alexander, vanoti nhengo dzavo dzatanga kuvazivisa kuti dzawana mari idzi kumabhanga kwadzo.

Izvi zvinoreva kuti hapachina mushandi wehurumende asati awana bhonasi yake. Hurumende yakanonoka kubhadhara vashandi vayo mari dzemabhonasi idzi kubva muna Mbudzi wegore rapera nekuda kwekunetsekana kwayo mukuunganidza mari.

Mwedzi uno hurumende yakakundikana zvakare kubhadhara vashandi vayo paine nguva izvo zvakazoita kuti iendese mberi nesvondo rose mazuva ekutambira aya.

Varairidzi vaifanirwa kunge vakatambira mari dzavo neChipiri chesvondo rino vaudzwa kuti vave kuzotambira neChipiri chesvondo rinouya.

Amai Alexander vanoti dai hurumende yaonawo kuti vashandi vayo vose vaenzaniswa kwete kuti vamwe ndivo vanogarotanga kutambira nhengo dzavo dzichingoramba dzichipedzisira kutambiriswa.

XS
SM
MD
LG