Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Hapana Chekucherechedza paZuva reMauto


Apo nyika iri kupemberera mazuva emagamba nemauto, vakawanda muChinhoyi vanoti hapana chekupemberera sezvo vanhu vakawanda vasiri kufara nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi, pamwe nekutyorwa kwekodzero dzavo nemauto.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe mugari wemumusha unogara veruzhinji weGadzema, VaGoodwill Zhanda, vanoti hapana chekupemberera zuva remagamba ivo vane nzara.

VaZhanda vanoti havana kuenda kunopemberera zuva remauto sezvo vanga vachitengesa mbatya kuti vararamise mhuri yavo.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaClemence Mhaka, vanoti kurwisana kuri kuitika mubato reZanu PF vachipumhana uroyi kunoita kuti veruzhinji vafunge kuti hapana munhu anganzi igamba rechokwadi.

Asi mumwe mugari wekwaZvimba, kunova kumusha kwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaCuthbert Chirau, avo vanga vari kupemberera zuva remauto, vanoti zuva remagamba rinofanirwa kucherechedzwa. VaChirau vanoti izvi zvakakosha kuchizvarwa chemangwana kuti vazive kuti nyika yakamborwirwa sei.

Chimwe chizvarwa chemuChinhoyi, VaAdrian Tsoto, avo vanga vari pabasa vanoti kukosha kwezuva remagamba nemauto hakuchakosheswe zvakanyanya nekuda kwekutambudzika kuri kuita veruzhinji.

VaTsoto vanoti dai nyaya dzehupfumi dzagadziriswa kuitira kuti vanhu vaende kuzororo vaine mufaro pamwe nezvekudya.

Vachitaura nhasi pachikoro cheNemakonde muChinhoyi, gurukota redunhu reMashonaland West, VaFaber Chidarikire, vachitura mashoko emutungamiri wenyika, vati vanorumbidza mauto enyika kunyange paine vamwe vanhu vari kuda kuti vatambira pfungwa yekushandura hurumende.

Zimbabwe yakacherechedza Heroes Day nezuro, uye nhasi ranga riri zuva rekucherechedza mabasa emauto. Vanhu vashoma muChinhoyi vacherechedza hurongwa uhu sezvo vanhu vanga vakawanda vanga vari vana vechikoro.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti vanhu vakawanda havasi kupa mauto chiremera nepamusana pekuti mauto emuZimbabwe anoshandiswa neZanu PF mukushungurudza vanopikisa hurumende pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu.

XS
SM
MD
LG