Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vopesana Pfungwa Zvichitevera Kuva Sachigaro weAU Kwakaitwa VaMugabe


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Kugadzwa kwakaitwa mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, sasachigaro wesangano renyika dziri mu Africa re African Union kuri kutambirwa nevamwe ukuwo vamwe vachiti hazvina zvazvinobatsira Zimbabwe.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vatsigiri veZanu PF vakaita saVa Clever Mahachi vanoti vari kufara zvikuru kuti VaMugabe vakatora matomhu musangano re Africa Union vachiti ndivo vane hunyanzvi hwakadzama munyaya dzezvematongerwo enyika kana pachienzaniswa nevatungamiri vedzimwe nyika.

Asi mumwe mugari wemuHarare, Va Mathias Tsomondo, vanoti hapana zvazvinobatsira nyika kuti Va Mugabe vakaitwa sachigaro weAU.

Mupepeti webepanhau re The Observer, Va Barnabas Thondlana, vanotiwo kunyange hazvo Va Mugabe vari munhu akakodzera kutora chigaro ichi, uku kwave kuvapa mutoro wakakura kwazvo pakatariswa zera ravo.

Va Mugabe vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nerimwe chete mwedzi uno.

Asi Va Thondlana vanoti Va Mugabe munhu anoziva nyaya dzose dzakatarisana nenyika dzose dziri mu Africa zvekuti vanokwanisa kugadzirisa zvinenge zvichidiwa munyika idzi.

Va Tsomondo vanoti chigaro chatorwa naVa Mugabe ichi hachina zvachinobatsira mukusimbaradza hukama pakati peZimbabwe nenyika dzekumavirira.

Vanoti kunyange hazvo dzimwe nyika dzekumavirira dzanga dzotanga kudyidzana neZimbabwe, Va Mugabe pachavo vanofanira kugadzirisa chimiro chavo munyaya dzemabatiro avanoita nyaya dzesarudzo munyika kuitira kuti AU irambe ine chimiro chakanaka.

Vaimbova mutungamiri wesangano revadzidzi munyika, re Zimbabwe National Students Union, Va Pride Mkono, vanoti hapana chekutarisira chakanyanya zvikuru kubva kuna Va Mugabe nechigaro chavo chitsva chavapihwa ichi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Va Blessing Vava, avo vanoshanda vakazvimirira, vaudza Studio7 kuti Va Mugabe vane basa rakakura kwazvo mu Africa pakatariswa nyaya yekusagadzikana mune dzimwe nyika dziri mu Africa zvikurusei ku Nigeria ne Democratic Republic of the Congo.

Va Mkono vanotiwo kunyange hazvo Va Mugabe vakaita mukurumbira zvichitevera kusarudzwa kwavakaitwa kuti vatungamire AU pamwe chete nesangano renyika dziri kuchamhembe kwe Africa, mukurumbira uyu hauna zvaunoreva kana zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyika mavo.

Kunyange hazvo vanhu vazhinji vachiti zera raVa Mugabe richavatadzisa kuita basa ravo idzva mu Africa nemazvo, Va Vava vanoti hapana chinganyanyonetsa sezvo vaine vanhu vanenge vachivabatsira kuita basa.

Va Mugabe, avo vanova zvakare sachigaro we SADC, vachange vari sachigaro veAU kusvika muna Ndira 2015.

XS
SM
MD
LG